VaHebheru 10:5-18
VaHebheru 10:5-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo Kristu, paakauya munyika muno, akati: “Chibayiro nechipo hamuna kuzvifarira, asi muviri wamakandigadzirira; zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zvezvivi hamuna kufadzwa nazvo. Ipapo ini ndakati, ‘Ndiri pano, mubhuku rakapetwa makanyorwa nezvangu, ndauya kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.’ ” Pakutanga akati, “Zvibayiro nezvipiriso, zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvezvivi hamuna kuzvida, kana kufadzwa nazvo (kunyange zvazvo murayiro waida kuti zviitwe).” Ipapo iye akati, “Ndiri pano, ndauya kuzoita kuda kwenyu.” Akabvisa chokutanga kuti aise chechipiri. Uye nokuda kwenyu ikoku, tichaitwa vatsvene kubudikidza nechibayiro chomuviri waJesu Kristu chakabayirwa kamwe chete zvikapera. Zuva nezuva muprista mumwe nomumwe aimira achiita ushumiri hwake nokuramba achibayira zvibayiro zvimwe chetezvo, zvisingatongogoni kubvisa zvivi. Asi muprista uyu akati abayira chibayiro chimwe chete chenguva dzose, akagara kurudyi rwaMwari. Kubva panguva iyoyo anomirira kusvikira muvengi wake aitwa chitsiko chetsoka dzake, nokuti nechibayiro chimwe chete akaita kuti vaya vari kuitwa vatsvene vakwaniswe nokusingaperi. Mweya Mutsvene anotipupurirawo pamusoro peizvi. Kutanga anoti: “Iyi ndiyo sungano yandichaita navo mushure menguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Ishe. Ndichaisa mirayiro yangu mumwoyo yavo, uye ndichainyora mundangariro dzavo.” Ipapo anotizve: “Zvivi zvavo nokudarika kwavo handizozvirangarirezve.” Zvino kana izvi zvaregererwa, hakuchisina chimwezve chibayiro chezvivi.
VaHebheru 10:5-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Saka pakusvika kwake panyika, anoti, “Chibayiro nechipo makazviramba, asi makandigadzirira muviri, hamuna kuda zvibayiro zvinopiswa, nezvibayiro zvezvivi; Zvino ndikati, ‘Tarirai, ndauya, (Mubhuku yakapetwa makanyorwa nezvangu) Kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.’ ” Zvaanoti pakutanga, “Zvibayiro nezvipo, nezvibayiro zvinopiswa, nezvibayiro zvezvivi hamuna kuzvida; hamuna kufadzwa nazvo,” (zviri izvo zvinobayirwa Mwari sezvinoreva murayiro), ndokuzoti, “Tarirai, ndauya kuzoita kuda kwenyu.” Anobvisa chokutanga, kuti aise chechipiri. Nokuda ikoku takaitwa vatsvene nechibayiro chomuviri waJesu Kristu, chakabayirwa kamwechete. Mupristi mumwe nomumwe anomira zuva rimwe nerimwe achishumira, nokubayira kazhinji zvibayiro izvozvo zvimwe, zvisingagoni kubvisa zvivi; asi iye akati abayira chibayiro chimwechete pamusoro pezvivi, akagara nokusingaperi kurudyi rwaMwari; kubva zvino achimirira kusvikira vavengi vake vaitwa chitsiko chetsoka dzake. Nokuti nechibayiro chimwechete akakwanisa nokusingaperi avo vanoitwa vatsvene. NoMweya Mutsvene anotipupurirawo; nokuti akatanga, achiti, “Iyi ndiyo sungano yandichaita navo Shure kwamazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Ishe; Ndichaisa mirayiro yangu pamwoyo yavo, Nokuinyora pakufunga kwavo.” Ndokuzoti, “Zvivi zvavo nokudarika kwavo handichatongozvirangariri.” Zvino, kana zvinhu izvi zvakaregererwa, zvivi hazvichabayirwi.
VaHebheru 10:5-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Zvibayiro nemipiro hazvisizvo zvamakafarira asi makandigadzirira muviri. Mupiro wokupisa nomupiro wokupfupira zvitadzo hamuna kuufarira. Ndipo pandakati, ‘Mwari, tarisai muone ndauya kuzoita kuda kwenyu, sokunyorwa kwazvakaitwa nezvangu mubhuku rokumononora.’ ” Paanoti pamusoro apo: “Hamuna kuda kana kufarira zvibayiro nemipiro nemipiro yokupisa nemipiro yokupfupira zvitadzo.” (Izvi zvinopirwa maererano nomutemo). Ndokuzoti: “Tarirai ndauya kuzoita kuda kwenyu.” Arikudzima chokutanga achiisa chechipiri. Nokuda kwaizvozvo takaitwa vatsvene pamusana pechibayiro chomuviri waJesu Kristu chakamwe. Uyewo mupristi mumwe nomumwe anomira achiita basa rake achipira zuva nezuva zvibayiro zvimwechetezvo zvisingambokwanisa kubvisa zvitadzo. Asi Kristu paakapira nokusingaperi chibayiro chimwechete chokupfupira zvitadzo akandogara kurudyi rwaMwari achimirira kuti vavengi vaitwe chitambarariko chetsoka dzake. Naizvozvo nechibayiro chimwechetecho akanatsa nokusingaperi avo vakaitwa vatsvene. Mweya mutsvene anotipupurirawo paanomboti, “Ichi ndicho chitenderano chandichaita navo mumashure mamazuva iwayo ndozvinotaura Tenzi. Ndichaisa mitemo yangu mumwoyo yavo uye ndichainyora mundangariro dzavo.” Anotizve handichazorangarirazve zvitadzo zvavo nezviito zvavo zvakaipa. Zvino pane ruregerero rwezvizvi panenge pasisina chibayiro chezvitadzo.
VaHebheru 10:5-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saka pakuȿika kwake panyika, unoti: Ciɓayiro necipo makaɀiramba, Asi makandigadzirira muʋiri; hamuna‐kuɗa ɀiɓayiro ɀinopiswa, neɀiɓayiro ɀeɀiʋi; Ɀino ndikati: Tarirai, ndaʋuya, (Pabuku yakapetwa pakanyorwa ɀaŋgu) Kuti ndiite kuɗa kwenyu, imi Mŋari. Ɀaanoti pakutaŋga: Ɀiɓayiro neɀipo, neɀiɓayiro ɀinopiswa, neɀiɓayiro ɀeɀiʋi hamuna‐kuɀiɗa, hamuna‐kufadzwa naɀo (ɀiri iɀo ɀinoɓayirwa Mŋari seɀinoreʋa murairo), ndokuzoti: Tarirai, ndaʋuya kuzoita kuɗa kwenyu. Unobvisa cokutaŋga, kuti aise cecipiri. Nokuɗa ikoku takaitwa ʋatȿene neciɓayiro comuʋiri waJesu Kristu, cakaɓayirwa kamŋe cete. Muprista mumŋe nomumŋe unomira zuʋa rimŋe nerimŋe acishumira, nokuɓayira kazhinji ɀiɓayiro iɀoɀo ɀimŋe‐ɀimŋe, ɀisiŋgagoni kubvisa ɀiʋi; asi iye wakati aɓayira ciɓayiro cimŋe cete pamsoro peɀiʋi, akagara nokusiŋgaperi kurudyi rwaMŋari; kubva ɀino acimirira kuȿikira ʋaʋeŋgi ʋake ʋaitwa citsiko cetsoka dzake. Nokuti neciɓayiro cimŋe cete wakakwanisa nokusiŋgaperi aʋo ʋanoitwa ʋatȿene. NoMŋeya Mutȿene unotipupurira ʋo; nokuti wakataŋga, aciti: Iyi ndiyo suŋgano yandicaita naʋo Shure kwamazuʋa iwayo, ndiɀo ɀinotaura Ishe; Ndicaisa mirairo yaŋgu pamŋoyo yaʋo, Nokuinyor pakufuŋga kwaʋo; Ndokuzoti: Ɀiʋi ɀaʋo nokuɗarika kwaʋo handicatoŋgoɀiraŋgariri. Ɀino, kana ɀinhu iɀi ɀakaŋganwirwa, ɀiʋi haɀicaɓayirwi.
VaHebheru 10:5-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)