Jakobho paakazviziva kuti kuIjipiti kune mbesanwa, akabvunza vana vake achiti, “Maita seiko kungotarisana kudai? Inga ndakanzwa kuti kuIjipiti kune mbesanwa. Dai mukaendawo ikoko mundotitengera zvokudya tipone, tirege kufa.” Ipapo vakoma vaJosefi gumi vakaenda kuIjipiti kundotenga zvokudya. Asi Jakobho haana kuendesa Bhenjamini munun'una waJosefi pamwechete navo, aiti zvimwe angawane chinomuwana. Nokudaro vanakomana vaJakobho vakauya kuzotenga zvokudya pamwechete navamwe vanhu vakanga vachiuyawo ikoko nokuti muKanani makanga mave nenzara. Josefi aiva changamire munyika yeIjipiti. Ndiye aitengesera vanhu vose venyika iyoyo zvokudya. Vakoma vaJosefi vakasvikomugwadamira uso vakati pasi kota kota vachimuremekedza. Josefi akaona vakoma vake akavaziva, asi akavabata sevatorwa akataura navo achivajinyura achiti, “Mabva kupiko?” Ivo vakati, “Tabva kunyika yeKanani, tauya kuzotenga zvokudya.” Josefi akaziva zvake vakoma vake, asi ivo havana kumuziva. Josefi akayeuka hope dziye dzaakarota dzaitaura nezvavo ndokuti, “Muri vasorika imi, mauya kuzoongorora nyika ino kuti muone payakaita zinyekenyeke mugoirwisa.” Ivo vakati, “Kwete changamire! Isu varanda venyu tauya kuzotenga zvokudya chete. Tose tiri vana vomunhu mumwechete. Tiri vanhu vakavimbika. Isu varanda venyu hatisiri vasori kwete.” Josefi akati, “Aiwa, chamavinga imi kuzoongorora nyika ino kuti muone payakaita zinyekenyeke mugoirwisa.” Ivo vakati, “Isu varanda venyu tiri vana gumi navaviri. Tiri vana vomunhu mumwechete. Tinogara kunyika yeKanani. Munun'una wedu wokupedzesera akasara nababa asi mumwechete akatisiya.” Josefi akati, “Ndokusaka ndati muri vasori. Ndinopika namambo Farao! Imi hamubve pano kana munun'una wenyu muduku asina kuuya pano. Ndipo pandichaziva kuti muri kutaura chokwadi. Tumai mumwe wenyu andotora munun'una wenyu, asi imi vamwe mose muchasara muusungwa. Ndipo patichazoziva kuti muri kureva chokwadi here kana kuti kwete. Kana zvisina kudaro, ndinopika naFarao, muri vasori.” Josefi akabva avaisa vose mujeri kwamazuva matatu.
Verenga chikamu Mavambo 42
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mavambo 42:1-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo