Genesisi 42:1-17
Genesisi 42:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jakobho akati anzwa kuti kuIjipiti kwaiva nezviyo, akati kuvanakomana vake, “Seiko muchiramba makangotarisana?” Akaenderera mberi akati, “Ndanzwa kuti kuIjipiti kune zviyo. Burukai muende ikoko mundotitengera zviyo, kuitira kuti tirarame tirege kufa.” Ipapo madzikoma aJosefa gumi vakaburuka vakaenda kundotenga zviyo kuIjipiti. Asi Jakobho haana kuendesa Bhenjamini, mununʼuna waJosefa, pamwe chete navamwe, nokuti akanga achitya kuti zvakaipa zvaizomuwira. Saka vanakomana vaIsraeri vakanga vari pakati pavaya vakaenda kundotenga zviyo, nokuti nzara yakanga iri munyika yeKenaniwo. Zvino Josefa akanga ari mubati wenyika; ndiye aitengesa zviyo kuvanhu vayo vose. Saka madzikoma aJosefa akati asvika, vakakotamira pasi kwaari nezviso zvavo. Josefa achingoona madzikoma ake, akavaziva, asi akaita seasingavazivi uye akataura navo nehasha. Akati, “Munobvepi imi?” Ivo vakati, “Tinobva kunyika yeKenani, tauya kuzotenga zvokudya.” Kunyange zvazvo Josefa akaziva madzikoma ake, ivo havana kumuziva. Ipapo akarangarira kurota kwake pamusoro pavo akati kwavari, “Muri vasori imi. Mauya kuzoona nyika yedu paisina kudzivirirwa.” Ivo vakapindura vakati, “Kwete, ishe wedu. Varanda venyu vauya kuzotenga zvokudya. Isu tose tiri vanakomana vomunhu mumwe. Varanda venyu vakatendeka, havasi vasori.” Iye akati kwavari, “Kwete, mauya kuzoona nyika yedu paisina kudzivirirwa.” Asi vakapindura vakati, “Varanda venyu vaiva gumi navaviri, vari vanakomana vomunhu mumwe, anogara munyika yeKenani. Gotwe ndiye ari kuna baba vedu iye zvino, uye mumwe haachisipo.” Josefa akati kwavari, “Ndizvo chaizvo zvandataura kwamuri ndichiti: Muri vasori imi! Uye aya ndiwo maedzerwo amuchaitwa: Zvirokwazvo noupenyu hwaFaro, hamuchabvi panzvimbo ino kunze kwokunge mununʼuna wenyu gotwe auya pano. Tumai mumwe wenyu kuti andotora mununʼuna wenyu gotwe; vamwe vose vachachengetwa mutorongo, kuti mashoko enyu aedzwe kuti zvionekwe kana muchitaura chokwadi. Kana zvisina kudaro, ipapo zvirokwazvo naFaro mupenyu, muri vasori!” Uye akavaisa vose mutorongo kwamazuva matatu.
Genesisi 42:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jakobho akaona kuti zviyo zviripo muIjipiti, Jakobho akati kuvanakomana vake, “Munotarirana neiko?” Akati, “Ndanzwa kuti zviyo zviripo muIjipiti; burukiraiko, mundotitengerako, tipone, tirege kufa.” Ipapo vakoma vaJosefa vane gumi vakaburuka kundotenga zviyo Ijipiti. Asi Bhenjamini, mun'una waJosefa, Jakobho haana kumutuma navakoma vake; nokuti akati, “Zvimwe angawirwa nenjodzi.” Zvino vanakomana vaIsiraeri vakauya kuzotenga pakati pavamwe vaiuya, nokuti nzara yakanga iripo panyika yeKenani. Zvino Josefa akanga ari mubati wenyika; ndiye aitengesera vanhu vose venyika; vakoma vaJosefa vakauya, vakamupfugamira, zviso zvavo zvakatarira pasi. Josefa akaona vakoma vake, akavaziva, asi akaita saasingavazivi, akataura nehasha navo, akati kwavari, “Mabvepiko?” Ivo vakati, “Tabva kunyika yeKenani kuzotenga zvokudya.” Josefa akaziva vakoma vake, asi ivo havana kumuziva. Ipapo Josefa akarangarira kurota kwake kwaakadeya kurota pamusoro pavo, akati kwavari, “Muri vashori, mauya kuzoona kuti nyika yakashama papi.” Ivo vakati kwaari, “Kwete, ishe wedu, asi varanda venyu vauya kuzotenga zvokudya. Tiri vanakomana vomunhu mumwe chete tose; tiri vanhu vakatendeka, varanda venyu havazi vashori”; iye akati kwavari, “Kwete, mauya kuzoona nyika kuti yakashama papi.” Ivo vakati, “Isu varanda venyu, tiri vanakomana vane gumi navaviri vomunhu mumwe chete panyika yeKenani; zvino worugotwe ari kuna baba vedu nhasi; mumwe haachisipo.” Josefa akati kwavari, “Ndizvo zvandanga ndichitaura kwamuri, ndichiti muri vashori; hechi chinhu chamuchaedzwa nacho. Noupenyu hwaFarao, hamungabudi pano kana mun'una wenyu worugotwe asina kuuya pano. Tumai mumwe wenyu kuti andotora mun'una wenyu, asi imi muchafanira kugara makasungwa, kuti mashoko enyu aedzwe, kana makatendeka; kana zvisina kudaro, zvirokwazvo, noupenyu hwaFarao muri vashori.” Ipapo akavaisa pamwechete vose mutorongo, kuti vachengetwe mazuva matatu.
Genesisi 42:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jakobho paakazviziva kuti kuIjipiti kune mbesanwa, akabvunza vana vake achiti, “Maita seiko kungotarisana kudai? Inga ndakanzwa kuti kuIjipiti kune mbesanwa. Dai mukaendawo ikoko mundotitengera zvokudya tipone, tirege kufa.” Ipapo vakoma vaJosefi gumi vakaenda kuIjipiti kundotenga zvokudya. Asi Jakobho haana kuendesa Bhenjamini munun'una waJosefi pamwechete navo, aiti zvimwe angawane chinomuwana. Nokudaro vanakomana vaJakobho vakauya kuzotenga zvokudya pamwechete navamwe vanhu vakanga vachiuyawo ikoko nokuti muKanani makanga mave nenzara. Josefi aiva changamire munyika yeIjipiti. Ndiye aitengesera vanhu vose venyika iyoyo zvokudya. Vakoma vaJosefi vakasvikomugwadamira uso vakati pasi kota kota vachimuremekedza. Josefi akaona vakoma vake akavaziva, asi akavabata sevatorwa akataura navo achivajinyura achiti, “Mabva kupiko?” Ivo vakati, “Tabva kunyika yeKanani, tauya kuzotenga zvokudya.” Josefi akaziva zvake vakoma vake, asi ivo havana kumuziva. Josefi akayeuka hope dziye dzaakarota dzaitaura nezvavo ndokuti, “Muri vasorika imi, mauya kuzoongorora nyika ino kuti muone payakaita zinyekenyeke mugoirwisa.” Ivo vakati, “Kwete changamire! Isu varanda venyu tauya kuzotenga zvokudya chete. Tose tiri vana vomunhu mumwechete. Tiri vanhu vakavimbika. Isu varanda venyu hatisiri vasori kwete.” Josefi akati, “Aiwa, chamavinga imi kuzoongorora nyika ino kuti muone payakaita zinyekenyeke mugoirwisa.” Ivo vakati, “Isu varanda venyu tiri vana gumi navaviri. Tiri vana vomunhu mumwechete. Tinogara kunyika yeKanani. Munun'una wedu wokupedzesera akasara nababa asi mumwechete akatisiya.” Josefi akati, “Ndokusaka ndati muri vasori. Ndinopika namambo Farao! Imi hamubve pano kana munun'una wenyu muduku asina kuuya pano. Ndipo pandichaziva kuti muri kutaura chokwadi. Tumai mumwe wenyu andotora munun'una wenyu, asi imi vamwe mose muchasara muusungwa. Ndipo patichazoziva kuti muri kureva chokwadi here kana kuti kwete. Kana zvisina kudaro, ndinopika naFarao, muri vasori.” Josefi akabva avaisa vose mujeri kwamazuva matatu.
Genesisi 42:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jakobo wakaʋona kuti ɀiyo ɀiri’po muEgipita, Jakobo akati kuʋanakomana ʋake: Munotarirana neiko? Akati: Ndanzwa kuti ɀiyo ɀiri’po muEgipita; ɓurukirai’ko, mundotiteŋgera’ko, tipone, tirege kufa. Ipapo ʋakoma ʋaJosefa ʋanegumi ʋakaɓuruka kundoteŋga ɀiyo Egipita. Asi Benjamini, munuŋuna waJosefa, Jakobo haana‐kumutuma naʋakoma ʋake; nokuti wakati: Ɀimŋe uŋgawirwa nenjodzi. Ɀino ʋanakomana ʋaIsraeri ʋakaʋuya kuzoteŋga pakati paʋamŋe ʋaiʋuya, nokuti nzara yakaŋga iri’po panyika yeKanani. Ɀino Josefa wakaŋga ari muɓati wenyika; ndiye waiteŋgesera ʋanhu ʋose ʋenyika; ʋakoma ʋaJosefa ʋakaʋuya, ʋakamufugamira, ɀiso ɀaʋo ɀakatarira pasi. Josefa akaʋona ʋakoma ʋake, akaʋaziʋa, asi wakaita saasiŋgaʋaziʋi, akataura nehasha naʋo, akati kwaʋari: Mabvepiko — Iʋo ʋakati: Tabva kunyika yeKanani kuzoteŋga ɀokudya. Josefa akaziʋa ʋakoma ʋake, asi iʋo haʋana‐kumuziʋa. Ipapo Josefa akaraŋgarira kurota kwake kwaakaɗeya kurota pamsoro paʋo, akati kwaʋari: Muri ʋashori, maʋuya kuzoʋona kuti nyika yakashama papi. Iʋo ʋakati kwaari: Kwete, ishe weɗu, asi ʋaranda ʋenyu ʋaʋuya kuzoteŋga ɀokudya. Tiri ʋanakomana ʋomunhu mumŋe cete tose; tiri ʋanhu ʋakatendeka, ʋaranda ʋenyu haʋazi ʋashori; iye akati kwaʋari: Kwete, maʋuya kuzoʋona nyika kuti yakashama papi. Iʋo ʋakati: Isu ʋaranda ʋenyu, tiri ʋanakomana ʋanegumi naʋaʋiri ʋomunhu mumŋe cete panyika yeKanani; ɀino worugotwe uri kunaɓaɓa ʋeɗu nhasi; mumŋe haaci’po. Josefa akati kwaʋari: Ndiɀo ɀandandicitaura kwamuri, ndiciti, muri ʋashori; heci cinhu camucaidzwa naco: Noʋupenyu bgaFarao, hamuŋgaɓuɗi pano kana munuŋuna wenyu worugotwe asina‐kuʋuya pano. Tumai mumŋe wenyu kuti andotora munuŋuna wenyu, asi imi mucafanira kugara makasuŋgwa, kuti mashoko enyu aidzwe, kana makatendeka; kana ɀisina‐kuɗaro, ɀirokwaɀo, noʋupenyu bgaFarao muri ʋashori. Ipapo akaʋaisa pamŋe cete ʋose mutoroŋgo, kuti ʋaceŋgetwe mazuʋa matatu.
Genesisi 42:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)