Zvino Jakobho akaona kuti zviyo zviripo muIjipiti, Jakobho akati kuvanakomana vake, “Munotarirana neiko?” Akati, “Ndanzwa kuti zviyo zviripo muIjipiti; burukiraiko, mundotitengerako, tipone, tirege kufa.” Ipapo vakoma vaJosefa vane gumi vakaburuka kundotenga zviyo Ijipiti. Asi Bhenjamini, mun'una waJosefa, Jakobho haana kumutuma navakoma vake; nokuti akati, “Zvimwe angawirwa nenjodzi.” Zvino vanakomana vaIsiraeri vakauya kuzotenga pakati pavamwe vaiuya, nokuti nzara yakanga iripo panyika yeKenani. Zvino Josefa akanga ari mubati wenyika; ndiye aitengesera vanhu vose venyika; vakoma vaJosefa vakauya, vakamupfugamira, zviso zvavo zvakatarira pasi. Josefa akaona vakoma vake, akavaziva, asi akaita saasingavazivi, akataura nehasha navo, akati kwavari, “Mabvepiko?” Ivo vakati, “Tabva kunyika yeKenani kuzotenga zvokudya.”
Josefa akaziva vakoma vake, asi ivo havana kumuziva. Ipapo Josefa akarangarira kurota kwake kwaakadeya kurota pamusoro pavo, akati kwavari, “Muri vashori, mauya kuzoona kuti nyika yakashama papi.”
Ivo vakati kwaari, “Kwete, ishe wedu, asi varanda venyu vauya kuzotenga zvokudya. Tiri vanakomana vomunhu mumwe chete tose; tiri vanhu vakatendeka, varanda venyu havazi vashori”; iye akati kwavari, “Kwete, mauya kuzoona nyika kuti yakashama papi.”
Ivo vakati, “Isu varanda venyu, tiri vanakomana vane gumi navaviri vomunhu mumwe chete panyika yeKenani; zvino worugotwe ari kuna baba vedu nhasi; mumwe haachisipo.”
Josefa akati kwavari, “Ndizvo zvandanga ndichitaura kwamuri, ndichiti muri vashori; hechi chinhu chamuchaedzwa nacho. Noupenyu hwaFarao, hamungabudi pano kana mun'una wenyu worugotwe asina kuuya pano. Tumai mumwe wenyu kuti andotora mun'una wenyu, asi imi muchafanira kugara makasungwa, kuti mashoko enyu aedzwe, kana makatendeka; kana zvisina kudaro, zvirokwazvo, noupenyu hwaFarao muri vashori.” Ipapo akavaisa pamwechete vose mutorongo, kuti vachengetwe mazuva matatu.