Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vagaratia 4

4
Vana vaMwari
1Zvino ndinoti mugari wenhaka paanenge chete achiri mwana muduku, haana zvaanosiyana nomuranda nyangwe zvazvo ari iye muridzi wezvinhu zvenhaka zvose izvozvo. 2Asi achiri mumaoko avabereki navatariri kusvikira pazuva rakatarwa nababa. 3Ndizvozvowo zvinesu, pataiva vana vaduku takanga tiri varanda vemweya yomudenga'mu nezvapasi pano. 4Nguva payakakwana Mwari akatuma Mwanakomana wake akaberekwa nomukadzi. Akaberekwa ari pasi pomutemo 5kuti anunure vanhu vakanga vari pasi pomutemo kuti tiwane nhaka savana. 6Pamusana pokuti muri vana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo yedu watinokwanisa naye kudaidza tichiti, “Abha, Baba.” 7Nezvo nokuna Mwari, hauchisiri muranda, wava mwana. Zvino kana uri mwana naizvozvo uri mugari wenhaka.
Pauro anorwadzirwa mwoyo vaGaratia
8Kare pamakanga musingazivi Mwari maiva varanda vezvinhu zvisiri Mwari. 9Asi zvino, pamavakuzivana naMwari, kana kuti pamavakuzivikanwa naMwari, mungapindukire seizve kumweya yezvinhu zvisina simba uye isina chayo yamavakuda kuva varanda vayozve. 10Munochengeta mazuva makuru, nemwedzi nemwaka namakore. 11Inga ndinokaronge ndakashandira pasina.
12Hama, ndinokukumbirisai kuti ivai sezvandiri nokuti iniwo ndakava sezvamuri. Imi hapana chamakanditadzira 13sezvamunongozivawo kuti pamusana pezvaindirwadza munyama'mu zvakaita kuti ndiparidze Shoko Rakanaka kwamuri pakutanga paya. 14Kunyange zvazvo zvandaiva chaiva chiedzo kwamuri, hamuna kundisema kana kundishora asi makatondigamuchira sokunge ndaiva mutumwa waMwari, saKristu Jesu. 15Ko kufara kwenyu kuyazve kuripi? Ndinokupupurirai kuti dai zvaikwanisika mungadai makatosvukunura maziso enyu muchiapa kwandiri. 16Ko zvino ndava muvengi wenyu pamusana pokukutaurirai chokwadi here? 17Vamwe vanhu vaya vanoratidza savanokudai kwazvo. Asi chinangwa chavo chaicho hachina kunaka. Chavari kungoda kukuparadzanisai neni kuti muvadewo ivo. 18Chinhu chakanaka nguva dzose kuva nechido chakakura kudaro kana chinangwa chacho chakanaka kwete kana ndiinemi chete. 19Vanangu, ndinorwadziwazve saamai vave panguva yokuda kusununguka kusvikira Jesu aumbwa mamuri. 20Ndinodisa chaizvo kuti dai ndanga ndiinemi iye zvino. Ndaibva ndasandura maitiro andiri kuita, nokuti ndiri kushaya kuti ndokutaurirai ndichiti kudii.
Zvitenderano zviviri: Hagari naSara
21Ndiudzei, imi munoda kuva pasi pomutemo, hamunzwi here zvinorehwa nomutemo 22nokuti zvakanyorwa kuti Abhurahamu akanga aina vanakomana vaviri. Mumwe akamubereka nomuranda, mumwe akamubereka nomudzimai asiri muranda. 23Mwana womuranda akaberekwa sezvinongoitwawo chero munhu. Mwana womusununguki akaberekwa nokuda kwechitsidzo. 24Zvino iri raiva dimikira. Vakadzi vaviri ava vanomirira zvitenderano zviviri. Chimwe chitenderano ndechokugomo reSinai chinobereka vana vouranda, ndiye Hagari. 25Zvino Hagari ndiro gomo reSinai kuArabhia. Rinomirira guta reJerusaremu riripo nhasi uno nokuti riri muuranda pamwechete navana varo. 26Asi guta reJerusaremu rokumusoro riri murusununguko uye ndiro amai vedu, 27nokuti zvakanyorwa zvichinzi,
“Fara zvako iwe mukadzi asina mbereko asingabereki,
pururudza uchidaidzira kwazvo
iwe usina kumbonzwa kurwadza kwemimba
nokuti mukadzi akarambwa
ana vana kupinda anomurume.”
28Zvino, hama dzangu, isu, saIsaki tiri vana vechitsidzo. 29Sapanguva iyoyo, uya akaberekwa maererano nenyama akatambudza uyo akaberekwa maererano naMweya. Ndizvozvo nanhasi. 30Ko Magwaro Matsvene anoti kudiiko? Anoti dzinga mukadzi muranda nemwana wake nokuti mwana womuranda haafaniri kudya nhaka nomwana womukadzi wakasununguka. 31Saizvozvo, hama dzangu, hatisi vana vomukadzi muranda asi vomukadzi wakasununguka.

Zvasarudzwa nguva ino

Vagaratia 4: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda