Kutsinhira Mutemo 27
27
Rushambwa runowira munhu asingateereri
1Mosesi pamwechete navakuru vakuru vevaIsiraeri vakataurira vanhu kuti, “Chengetai mirao yose yandiri kukuudzai nhasi uno. 2Musi wauchayambuka Jorodhani uchipinda munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako unofanira kumisa mhitsa dzamabwe uadzurure, 3unyore paari zvirevo zvose zviri mumutemo uyu pauchayambuka uchipinda munyika yakanaka yomukaka nouchi yauri kupiwa naTenzi Mwari wako sokutsidzira kwawakaitwa naTenzi Mwari wamadzibaba ako. 4Kana wayambuka Jorodhani wava paGomo reEbhari ndopaunomisa mabwe iwayo andiri kukurayira nhasi uno, woadzurura. 5Uvakire ipapo Tenzi Mwari wako atari yematombo. Usaabate-bate kana kuaveza nesimbi. 6Vakira Tenzi Mwari wako atari yematombo asina kuvezwa, ugopira mipiro yokupisa kuna Tenzi Mwari wako. 7Upire mupiro wokuwadzana uudyire ipapo pana Tenzi Mwari wako uchifara zvako. 8Unofanira kunyora zvinonyatsoonekwa mazwi ose omutemo iwoyu, pamabwe aye.”
9Ipapo Mosesi navapristi vechiRevhi vakataurira vaIsiraeri vose kuti, “VaIsiraeriwe-e, nyararai munzwe, nhasi mava vanhu vaTenzi Mwari wenyu. 10Naizvozvo teererai izwi raTenzi Mwari wenyu muchengete mitemo nemirao yake yandiri kukuudzai nhasi uno.”
11Musi iwoyo Mosesi akakomekedza vanhu achiti, 12“Kana mayambuka Jorodhani vokwaSimeoni naRevhi naJudha naIsakari naJosefi naBhenjamini, vachamira paGomo reGerizimu vachikomborera vanhu. 13VokwaRubheni naGadhi naAsheri naZebhuruni naDhani naNafutari, vachamirawo paGomo reEbhari, varengerere nokushurikidza. 14Ipapo vaRevhi vachadaidzira vachitaurira vanhu vose vaIsiraeri kuti:
15“ ‘Ngaawirwe norushambwa munhu anoveza kana kugadzira chifananidzo chesimbi, chinhu chisingambodiwi naTenzi chakatoitwa zvacho namaoko emhizha, chikamiswa muchivande.’ Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’
16“Ngaawirwe norushambwa munhu anoshora baba vake kana amai vake. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’
17“Ngaave norushambwa munhu anosudurudza chitata chamabwe chomuganho womumwe wake. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’
18“Ngaawirwe norushambwa munhu anorasikisa bofu nzira yaro. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’
19“Ngaawirwe norushambwa munhu anoti kana otonga mhosva yomutorwa kana yenherera kana yechirikadzi osiya zviri pamurao. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’
20“Ngaawirwe norushambwa munhu anotorana nomukadzi wababa wake nokuti anenge azvidza baba wake nokupinda mumba mavo kwaanenge aita. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’
21“Ngaawirwe norushambwa munhu anoita zvoupombwe nemhuka. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’
22“Ngaawirwe norushambwa munhu anoita upombwe nehanzvadzi yake. Ingave hanzvadzi yake yokuti baba chete ndivo vamwechete naye kana kuti amai chete ndivo vamwechete naye. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’
23“Ngaawirwe norushambwa munhu anovata navambuya vake. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’
24“Ngaawirwe norushambwa munhu anoponda mumwe muchivande. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’
25“Ngaawirwe norushambwa munhu anotengwa kuti auraye munhu asina mhosva. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’
26“Ngaawirwe norushambwa munhu asingabvume zvatemwa nomurao uyu kuti auchengete. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’
Zvasarudzwa nguva ino
Kutsinhira Mutemo 27: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.