Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 3:8-23

Dhanieri 3:8-23 SCLBD

Nguva iyoyo ndipo pakauya vamwe vaKaridhea kuzopomera mhosva vaJudha zviri zvoruvengo chairwo. Vakapira shoko ravo kuna mambo Nebhukadhineza vachiti, “Mambo, garirai kure nomoto! Handiti imimi mambo, makatema chirevo chinoti: Munhu anenge angonzwa chete kurira kwehwamanda nenyere nezvipendhani namabhanicho namadimbwa nengororombe nokuimba kwose kwose zvako, anofanira kugwadama pasi achipfugamira chifananidzo chendarama ichi muchiti kuwana ani zvake anorega kugwadama pasi achipfugama, anofanira kukandwa muvira remoto unopisa kwazvo? Uku kwaita vamwe vaJudha vamakapa iyemi ukuru hokuona zvenyika yeBhabhironi vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Mambo, varume ivavo havanei nezvamunotaura. Havanamati vamwari venyu kana kupfugamira zvako chifananidzo chiya chendarama chamakagadzira mukachimisa.” Nebhukadhineza akabva apenga nehasha akati Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vaunzwe. Vanhu vakaenda navarume ivava pana mambo. Nebhukadhineza akavati, “Ichokwadi here, nhai Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego kuti imi hamunamati vamwari vangu kunyange kupfugamira chifananidzo chendarama chandakamisa ini? Zvino kana magadzirira kuti pamunongonzwa kurira kwehwamanda nenyere nezvipendhani namabhanicho namadimbwa nengororombe imiwo mobva magwadama pasi muchipfugamira chifananidzo chandakaita, patsvene, uye pakanaka ipapo. Asi kana imi mukangorega kupfugama, pakarepo munofanira kubva makandwa muvira romoto unopisa kwazvo. Ndoupi mwari angakununurei mumaoko mangu?” Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakapindura mambo Nebhukadhineza vachiti, “Chatingakupirei mhinduro panyaya iyoyi iyi, hapana. Zvikange zvaitika saizvozvo, Mwari wedu watinonamata anogona kutinunura muvira romoto unopisa ndiye achatinunurawo mumaoko menyu imi mambo. Kunyange, zvazvo akarega kutinunura mochiziva, mambo, kuti hatisi kuzonamata vamwari venyu kunyange kuzopfugamira chifananidzo ichi chamakamisa.” Nebhukadhineza akaviruka nehasha ndokushanduka otsvukisira meso Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Akati moto ukuchidzirwe vira ripise kwazvo kakapetwa kanomwe kupfuura zvarinochiita. Akatuma vamwe varume vaiva magamba chaiwo ehondo yake yavarwi kuti vasunge mbiradzakondo vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego akati vavakande muvira romoto unopisa. Varume ivava vakasungwa vakapfeka hanzu dzavo kudaro nemajasi avo nenguwani dzavo dzoukuruukuru namagemenzi avo nedzimwe hanzu dzavo vakabva vakandwa muvira racho remoto unopisa kwazvo. Pamusana pokuti chirevo chamambo chakanga chakaoma kwazvo, vira rakapoorerwa kwazvo moto, rimi romoto rikauraya varume vaye, magamba vakanga vakatakura Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Varume vatatu ivava vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakawira muvira romoto unopisa vakasungwa kudaro.

Verenga chikamu Dhanieri 3