Dhanieri 3:8-23
Dhanieri 3:8-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Panguva iyi vamwe voruzivo nezvenyeredzi vakauya pamberi vakatuka vaJudha. Vakati kuna Mambo Nebhukadhinezari, “Imi mambo, raramai nokusingaperi! Makatema chirevo imi mambo, kuti ani naani anonzwa kurira kwehwamanda, nenyere, nomutopota, norudimbwa, nembira namabhosvo uye nemhando dzose dzezviridzwa, anofanira kuwira pasi anamate chifananidzo chegoridhe, uye kuti ani naani asingawiri pasi akanamata achakandwa muvira romoto. Asi pane vamwe vaJudha vamakagadza pamusoro pamabasa enyika yeBhabhironi, Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego, vasingatomboteereri imi mambo. Havamboshumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa.” Nebhukadhinezari azere nehasha, akarayira kuti Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vauye. Saka varume ava vakauyiswa pamberi pamambo, Nebhukadhinezari akati kwavari, “Ichokwadi here, imi vanaShadhireki, Meshaki naAbhedhinego, kuti hamusi kushumira vamwari vangu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chandakamisa? Zvino pamunonzwa kurira kwehwamanda, nyere, mutopota, rudimbwa, mabhosvo nemhando dzose dzezviridzwa, kana mukagadzirira kuwira pasi, mukanamata chifananidzo chandakaita, zvakanaka hazvo. Asi kana musingachinamati, muchakandwa mumoto pakarepo. Zvino mwari achakurwirai muruoko rwangu ndoupiko?” Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vakapindura mambo vakati, “Imi Nebhukadhinezari, isu hatifaniri kuzvirwira pamberi penyu pamusoro penyaya iyi. Kana tikakandwa mumoto unopfuta, Mwari watinoshumira anogona kutiponesa pauri, uye achatirwira paruoko rwenyu, imi mambo. Asi kunyange dai akasatirwira, tinoda kuti muzive, imi mambo, kuti hatizoshumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa.” Ipapo Nebhukadhinezari akashatirwa nokuda kwaShadhireki, Meshaki naAbhedhinego, chiso chake chikavashandukira. Akarayira kuti vira romoto riveserwe moto unopisa kwazvo kukunda unosiveserwamo kanomwe. Uye akarayira vamwe vavarwi vehondo yake vakasimba kwazvo kuti vasunge Shadhireki naMeshaki naAbhedhinego vavakande mumoto uyu waipfuta kwazvo. Saka varume ava, vakapfeka nguo dzavo, namabhurugwa avo, nenguwani dzavo nedzimwe hembe, vakasungwa ndokukandwa mumoto waipfuta kwazvo. Kurayira kwamambo kwakava nechimbi chimbi kwazvo uye choto chaipisa kwazvo zvokuti moto wakauraya varwi vakakanda Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego, uye varume vatatu ava vakasungwa zvakasimba, vakawira mumoto unopfuta kwazvo.
Dhanieri 3:8-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino nenguva iyo vamwe vaKaradhea vakaswedera vakapomera vaJudha. Vakapindura, vakati kuna mambo Nebhukadhinezari, “Imi mambo, raramai nokusingaperi. Imi mambo makatema chirevo, chokuti munhu mumwe nomumwe kana achinge achinzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, awire pasi achinamata chifananidzo chendarama; asi ani naani asingawiri pasi achinamata, achawisirwa mukati mevira romoto unopfuta kwazvo. Zvino vamwe vaJudha varipo, vamakagadza vave varayiri vezvinhu zvose zvenyika yeBhabhironi, vana Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego; varume ava havana hanya nemi, imi mambo; havashumiri vamwari venyu, kana kunamata chifananidzo chendarama chamakamisa.” Ipapo Nebhukadhinezari akarayira nehasha nokutsamwa kwake kuti Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vauyiswe. Zvino vakauyisa varume ava pamberi pamambo. Nebhukadhinezari akapindura, akati kwavari, “Ichokwadi here, imi Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, kuti munoramba kushumira mwari wangu, nokunamata chifananidzo chendarama chandakamisa ini? Zvino kana muchitenda kuwira pasi muchinamata chifananidzo chandakaita nenguva yamunonzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, zvakanaka hazvo; asi kana musinganamati, muchawisirwa nenguva iyo mukati mevira romoto unopfuta kwazvo; mwari achakurwirai mumaoko angu ndoupiko?” Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakapindura, vakati kuna mambo, “Imi Nebhukadhinezari, hatingafaniri hedu kukupindurai pamusoro peshoko iri. Kana zvikaitika hazvo, Mwari wedu watinoshumira angagona kutirwira pavira romoto unopfuta kwazvo; iye achatirwira paruoko rwenyu, imi mambo. Asi kana zvikasaitika, zivai imi mambo, kuti hatingashumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chendarama chamakamisa imi.” Ipapo Nebhukadhinezari akatsamwa kwazvo, chiso chake chikashandukira Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego; akataura akarayira kuti vira romoto riveserwe moto unopisa kwazvo kukunda unosiveserwamo kanomwe. Akarayira vamwe varume vane simba guru vaiva pahondo yake, kuti vasunge Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, vavawisire muvira romoto unopfuta kwazvo. Ipapo varume avo vakasungwa vana majasi avo namabhuruku avo nengowani dzavo nedzimwe nguo dzavo, vakawisirwa mukati mevira romoto unopfuta kwazvo. Zvino murayiro wamambo zvawakanga une hasha, uye vira zvarakanga richipisisa kwazvo, murazvo womoto wakauraya varume vakanga vachiisako Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Varume ava vatatu, vana Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, vakawira pasi vakasungwa mukati mevira romoto waipfuta kwazvo.
Dhanieri 3:8-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nguva iyoyo ndipo pakauya vamwe vaKaridhea kuzopomera mhosva vaJudha zviri zvoruvengo chairwo. Vakapira shoko ravo kuna mambo Nebhukadhineza vachiti, “Mambo, garirai kure nomoto! Handiti imimi mambo, makatema chirevo chinoti: Munhu anenge angonzwa chete kurira kwehwamanda nenyere nezvipendhani namabhanicho namadimbwa nengororombe nokuimba kwose kwose zvako, anofanira kugwadama pasi achipfugamira chifananidzo chendarama ichi muchiti kuwana ani zvake anorega kugwadama pasi achipfugama, anofanira kukandwa muvira remoto unopisa kwazvo? Uku kwaita vamwe vaJudha vamakapa iyemi ukuru hokuona zvenyika yeBhabhironi vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Mambo, varume ivavo havanei nezvamunotaura. Havanamati vamwari venyu kana kupfugamira zvako chifananidzo chiya chendarama chamakagadzira mukachimisa.” Nebhukadhineza akabva apenga nehasha akati Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vaunzwe. Vanhu vakaenda navarume ivava pana mambo. Nebhukadhineza akavati, “Ichokwadi here, nhai Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego kuti imi hamunamati vamwari vangu kunyange kupfugamira chifananidzo chendarama chandakamisa ini? Zvino kana magadzirira kuti pamunongonzwa kurira kwehwamanda nenyere nezvipendhani namabhanicho namadimbwa nengororombe imiwo mobva magwadama pasi muchipfugamira chifananidzo chandakaita, patsvene, uye pakanaka ipapo. Asi kana imi mukangorega kupfugama, pakarepo munofanira kubva makandwa muvira romoto unopisa kwazvo. Ndoupi mwari angakununurei mumaoko mangu?” Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakapindura mambo Nebhukadhineza vachiti, “Chatingakupirei mhinduro panyaya iyoyi iyi, hapana. Zvikange zvaitika saizvozvo, Mwari wedu watinonamata anogona kutinunura muvira romoto unopisa ndiye achatinunurawo mumaoko menyu imi mambo. Kunyange, zvazvo akarega kutinunura mochiziva, mambo, kuti hatisi kuzonamata vamwari venyu kunyange kuzopfugamira chifananidzo ichi chamakamisa.” Nebhukadhineza akaviruka nehasha ndokushanduka otsvukisira meso Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Akati moto ukuchidzirwe vira ripise kwazvo kakapetwa kanomwe kupfuura zvarinochiita. Akatuma vamwe varume vaiva magamba chaiwo ehondo yake yavarwi kuti vasunge mbiradzakondo vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego akati vavakande muvira romoto unopisa. Varume ivava vakasungwa vakapfeka hanzu dzavo kudaro nemajasi avo nenguwani dzavo dzoukuruukuru namagemenzi avo nedzimwe hanzu dzavo vakabva vakandwa muvira racho remoto unopisa kwazvo. Pamusana pokuti chirevo chamambo chakanga chakaoma kwazvo, vira rakapoorerwa kwazvo moto, rimi romoto rikauraya varume vaye, magamba vakanga vakatakura Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Varume vatatu ivava vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakawira muvira romoto unopisa vakasungwa kudaro.
Dhanieri 3:8-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino neŋguʋa iyo ʋamŋe ʋaKardea ʋakasweɗera ʋakapomera ʋaJuda. Ʋakapindura, ʋakati kunamambo Nebukadnezari: Imi mambo, raramai nokusiŋgaperi. Imi mambo makatema cireʋo, kuti munhu mumŋe nomumŋe kana aciŋge acinzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira noruɗimbga nomuteŋgeranwa namarimba, neɀimŋe ɀose ɀinoridzwa, awire pasi acinamata cifananidzo cendarama; asi aninani usiŋgawiri pasi acinamata, ucawisirwa mukati mecoto comŋoto unopfuta kwaɀo. Ɀino ʋamŋe ʋaJuda ʋari’po, ʋamakagadza ʋaʋe ʋarairi ʋeɀinhu ɀose ɀenyika yeBabironi, ʋanaShadraki naMeshaki naAbedi‐nego; ʋarume aʋa haʋana‐kuʋa nehanya nemi, imi mambo; haʋashumiri ʋamŋari ʋenyu, kana kunamata cifananidzo cendarama camakamisa. Ipapo Nebukadnezari akaraira nehasha nokutsamŋa kwake kuti Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego ʋaʋuyiswe. Ɀino ʋakaʋuyisa ʋarume aʋa pamberi pamambo. Nebukadnezari akapindura, akati kwaʋari: Maʋune here, imi Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, ɀamunoramba kushumira mŋari waŋgu, nokunamata cifananidzo cendarama candakamisa ini? Ɀino kana mucitenda kuwira pasi mucinamata cifananidzo candakaita neŋguʋa yamunonzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira noruɗimbga nomuteŋgeranwa namarimba, neɀimŋe ɀose ɀinoridzwa, ɀakanaka haɀo; asi kana musiŋganamati, mucawisirwa neŋguʋa iyo mukati mecoto comŋoto unopfuta kwaɀo; mŋari ucakurwirai mumaʋoko aŋgu ndoupiko? Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego ʋakapindura, ʋakati kunamambo: Imi Nebukadnezari, hatiŋgafaniri heɗu kukupindurai pamsoro peshoko iri. Kana ɀikaitika haɀo, Mŋari weɗu watinoshumira uŋgagona kutirwira pacoto comŋoto unopfuta kwaɀo; iye ucatirwira paruʋoko rwenyu, imi mambo. Asi kana ɀikasaitika, ziʋai imi mambo, kuti hatiŋgashumiri ʋamŋari ʋenyu kana kunamata cifananidzo cendarama camakamisa imi. Ipapo Nebukadnezari wakatsamŋa kwaɀo, ciso cake cikashandukira Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego; akataura akaraira kuti coto comŋoto ciʋeserwe mŋoto unopisa kwaɀo kukunda unosiʋeserwa’mo kanomŋe. Akaraira ʋamŋe ʋarume ʋanesimba guru ʋaiʋa pahondo yake, kuti ʋasuŋge Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, ʋaʋawisire mucoto comŋoto unopfuta kwaɀo. Ipapo ʋarume aʋo ʋakasuŋgwa ʋanamajasi aʋo namaburuku aʋo neŋgowani dzaʋo nedzimŋe ŋguʋo dzaʋo, ʋakawisirwa mukati mecoto comŋoto unopfuta kwaɀo. Ɀino murairo wamambo ɀawakaŋga unehasha, ʋuye coto ɀacakaŋga cicipisisa kwaɀo, muraɀo womŋoto wakaʋuraya ʋarume ʋakaŋga ʋaciisa’ko Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego. Ʋarume aʋa ʋatatu, ʋana‐Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, ʋakawira pasi ʋakasuŋgwa mukati mecoto comŋoto waipfuta kwaɀo.
Dhanieri 3:8-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)