Zvino nenguva iyo vamwe vaKaradhea vakaswedera vakapomera vaJudha. Vakapindura, vakati kuna mambo Nebhukadhinezari, “Imi mambo, raramai nokusingaperi. Imi mambo makatema chirevo, chokuti munhu mumwe nomumwe kana achinge achinzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, awire pasi achinamata chifananidzo chendarama; asi ani naani asingawiri pasi achinamata, achawisirwa mukati mevira romoto unopfuta kwazvo. Zvino vamwe vaJudha varipo, vamakagadza vave varayiri vezvinhu zvose zvenyika yeBhabhironi, vana Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego; varume ava havana hanya nemi, imi mambo; havashumiri vamwari venyu, kana kunamata chifananidzo chendarama chamakamisa.”
Ipapo Nebhukadhinezari akarayira nehasha nokutsamwa kwake kuti Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vauyiswe. Zvino vakauyisa varume ava pamberi pamambo. Nebhukadhinezari akapindura, akati kwavari, “Ichokwadi here, imi Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, kuti munoramba kushumira mwari wangu, nokunamata chifananidzo chendarama chandakamisa ini? Zvino kana muchitenda kuwira pasi muchinamata chifananidzo chandakaita nenguva yamunonzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, zvakanaka hazvo; asi kana musinganamati, muchawisirwa nenguva iyo mukati mevira romoto unopfuta kwazvo; mwari achakurwirai mumaoko angu ndoupiko?”
Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakapindura, vakati kuna mambo, “Imi Nebhukadhinezari, hatingafaniri hedu kukupindurai pamusoro peshoko iri. Kana zvikaitika hazvo, Mwari wedu watinoshumira angagona kutirwira pavira romoto unopfuta kwazvo; iye achatirwira paruoko rwenyu, imi mambo. Asi kana zvikasaitika, zivai imi mambo, kuti hatingashumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chendarama chamakamisa imi.”
Ipapo Nebhukadhinezari akatsamwa kwazvo, chiso chake chikashandukira Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego; akataura akarayira kuti vira romoto riveserwe moto unopisa kwazvo kukunda unosiveserwamo kanomwe. Akarayira vamwe varume vane simba guru vaiva pahondo yake, kuti vasunge Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, vavawisire muvira romoto unopfuta kwazvo. Ipapo varume avo vakasungwa vana majasi avo namabhuruku avo nengowani dzavo nedzimwe nguo dzavo, vakawisirwa mukati mevira romoto unopfuta kwazvo. Zvino murayiro wamambo zvawakanga une hasha, uye vira zvarakanga richipisisa kwazvo, murazvo womoto wakauraya varume vakanga vachiisako Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Varume ava vatatu, vana Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, vakawira pasi vakasungwa mukati mevira romoto waipfuta kwazvo.