Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 5:1-20

Mabasa 5:1-20 SCLBD

Asi mumwe murume anonzi Ananiya aiva nomudzimai wake ainzi Safira, akatengesa chimwe chikamu chezvinhu zvake. Akachengeta chimwe chikamu chemari yacho mudzimai wake achizviziva. Akauya nechimwe chikamu chemari iya akaiisa mumaoko avapositori. Asi Pita akati, “Nhai Ananiya wapindwa sei naSatani kudai kuti ureve nhema kuna Mweya Mutsvene uchizvichengetera chimwe chikamu chomutengo womunda? Pawakanga usati watengeswa wakanga usiri wako here uye pawakanga watengeswa mari yacho yakanga isiri mumaoko ako here? Ko zvaita seiko kuti ufunge kuita izvi mumwoyo mako? Hauna kurevera munhu nhema asi Mwari.” Ananiya paakanzwa mazwi aya akawira pasi akabva afa. Vanhu vose vakazvinzwa vakatya zvikuru. Vechidiki vakasimuka vakamuputira vakamutakura vakandomuviga. Mushure memaawa matatu mudzimai wake akauyamo asingazivi zvakanga zvaitika. Pita akati kwaari, “Ndiudze kuti makatengesa munda uyu nemari iyi here?” Mudzimai akati, “Hongu nemari iyoyo.” Pita ndokuti kwaari, “Ko matenderana sei kuedza Mweya waMwari? Teerera unzwe tsoka dzavanhu vaviga murume wako dzava pamusuo. Vachakutakura vachikuburitsa kunze.” Pakarepo akabva ati gwadara kuwira pasi achibva afa. Vechiduku vaya pavakapinda vakamuwana atofa. Vakamutakura vachimuburitsa kunze vakandomuviga pedyo nomurume wake. Sangano rose rakawirwa nokutya kukuru uye vose vakanzwa zvinhu izvi. Zviratidzo zvizhinji nezvishamiso zvakaitwa mukati mavanhu namaoko avapositori. Vaisanganira vose muBerere raSoromoni. Vamwe vanhu vose vaitya kubatana navo asi vanhu vaivaremekedza zvikuru. Asi vatendi vairamba vachingowedzerwa kuna Tenzi, varume navakadzi vazhinji zvokuti vamwe vaitotakura varwere vachivaisa mumigwagwa vachivaradzika pamibhedha napahukwe kuti Pita paainge opfuura nepo kana mumvuri wake chaiwo ungopfuura napana vamwe vavo. Vanhu vakaunganawo vachibva mumaguta akapoteredza Jerusaremu vachiuya navarwere vakanga vachitambudzwa nemweya yakaipa. Vose vakaporeswa. Asi mupristi mukuru akamuka navose vechikwata chake vebato revaSadhusei. Pamusana pokuzara neshanje vakasunga vapositori vakavaisa muJeri ravanhu vose. Asi usiku mutumwa waMwari akazarura makonhi ejeri akavaburitsa ndokuvati, “Endai mundomira muTemberi mutaure kuvanhu mazwi ezveUpenyu uhwu.”

Verenga chikamu Mabasa 5