Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 5:1-20

Mabasa 5:1-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino mumwe murume ainzi Ananiasi, pamwe chete nomukadzi wake Safira, akatengesawo chikamu chepfuma yake. Mukadzi wake achinyatsozvizivawo, akazvikamurira chimwe chikamu chemari, asi yakasara akauya nayo akaiisa pamberi pavapostori. Ipapo Petro akati, “Ananiasi, Satani azadzireiko mwoyo wako kudai, kuti usvike pakureva nhema kuMweya Mutsvene uye wazvikamurira imwe mari yawawana pakutengesa munda? Ko, wakanga usiri wako here usati watengeswa? Uye shure kwokunge wautengesa, mari yakanga isiri yako here? Chiiko chakaita kuti ufunge kuita chinhu chakadai? Hauna kureva nhema kuvanhu asi kuna Mwari.” Ananiasi akati anzwa izvi, akawira pasi akabva afa. Uye kutya kukuru kwakabata vose vakanga vanzwa zvakanga zvaitika. Ipapo majaya akaswedera, akaputira muviri wake, akamutakura akaenda naye kunze vakandomuviga. Shure kwamaawa anenge matatu mukadzi wake akasvikopinda, asingazivi zvakanga zvaitika. Petro akamubvunza akati, “Ndiudze, uyu ndiwo here mutengo wamakawana, iwe naAnaniasi, pamunda?” Iye akati, “Hongu, ndiwoyu mutengo.” Petro akati kwaari, “Matenderana seiko kuti muedze Mweya waShe? Tarira! Tsoka dzamajaya aviga murume wako dziri pamukova, uye vachakutakura newewo.” Pakarepo akawira pasi, patsoka dzake akabva afa. Ipapo majaya akapinda uye akamuwana afa, akamutakura akaenda naye kunze akandomuviga parutivi pomurume wake. Kutya kukuru kwakabata kereke yose navose vakanzwa zvinhu izvi. Vapostori vakaita zviratidzo zvizhinji nezvishamiso pakati pavanhu. Uye vatendi vose vaiwanzosangana pamwe chete muBiravira raSoromoni. Hakuna munhu akatsunga kubatana navo kunyange zvazvo vakanga vachikudzwa zvikuru navanhu. Zvisinei zvazvo, varume vazhinji navakadzi vakatenda kuna She uye vakawedzera uwandu. Nokuda kwaizvozvo, vanhu vakauya navairwara munzira dzomumisha vakavaradzika pamibhedha napahukwe vachiitira kuti mumvuri waPetro uwire pane vamwe vavo paainge ava kupfuura napavari. Vanhu vazhinji zhinji vaibva mumaguta akapoteredza Jerusarema vakaunganawo, vakauya navarwere vavo navaya vaitambudzwa nemweya yakaipa, uye vose vakaporeswa. Ipapo muprista mukuru navamwe vose vaaiva navo, avo vakanga vari nhengo dzebato ravaSadhusi, vakazadzwa negodo. Vakasunga vapostori vakavaisa mujeri. Asi mutumwa waShe akauya usiku akazarura mukova wejeri akavabudisa, akati, “Endai, mundomira muzvivanze zvetemberi, mugoudza vanhu mashoko ose oupenyu hutsva uhu.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 5

Mabasa 5:1-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino mumwe murume, ainzi Ananiasi, akatengesa pfuma yake, ana Safira mukadzi wake, akazvikamurira zvimwe pamutengo, mukadzi wake achizivawo, akauya nomumwe mugove, ndokuuisa pamberi pavapostori. Asi Petirosi akati, “Ananiasi, Satani wazadzireiko mwoyo wako, kuti ureve nhema kuMweya Mutsvene, nokuzvikamurira zvimwe pamutengo womunda? Iwo uchiripo, wakanga usi wako here? Watengeswa, wakanga usina simba nazvo here? Waita seiko, zvawafunga chinhu ichi mumwoyo mako? Hauna kureva nhema kuvanhu, asi kuna Mwari.” Ananiasi, akati achinzwa mashoko iwayo, akawira pasi, akabudisa mweya wake; kutya kukuru kukawira vose vakazvinzwa. Majaya akasimuka, akamuputira, ndokumutakurira kunze, ndokumuviga. Nguva dzinenge senhatu dzakati dzapfuura, mukadzi wake akapinda, asingazivi zvaitwa. Petirosi akapindura kwaari akati, “Ndiudze kana makatengesa munda nemari yakadai?” Iye akati, “Hongu, neyakadai.” Petirosi akati kwaari, “Maita seiko zvamarangana kuedza Mweya waIshe? Tarira, tsoka dzavakaviga murume wako, dzichiri pamusuo, vachakutakurirawo kunze.” Ipapo akawira pasi pakarepo patsoka dzake, akabudisa mweya wake; majaya akapinda, akamuwana afa, ndokumutakurira kunze, ndokumuviga kumurume wake. Kutya kukuru kukawira kereke yose navose vakazvinzwa. Zviratidzo nezvinoshamisa zvizhinji zvikaitwa pakati pavanhu namaoko avapostori; vose vaiva nomwoyo mumwe pabiravira raSoromoni. Asi pakati pavamwe kwakanga kusina munhu akatsunga kuzviisa kwavari; asi vanhu vaivakudza. Vatendi vazhinji kwazvo, varume navakadzi, vairamba vachiwedzerwa kuna Ishe. Nokudaro vakatakurira varwere munzira dzomumusha, vakavaradzika pamibhedha napanhoo, kuti kana Petirosi achiswederapo, kunyange nomumvuri wake bedzi udzikatire mumwe wavo. Navazhinji vamaguta akapoteredza Jerusaremu vakaungana, vachiuya navarwere, navaitambudzika nemweya yetsvina, vakaporeswa. Zvino mupristi mukuru akasimuka, navose vaiva naye (vaiva vedzidziso yavaSadhusi), vane godo kwazvo; vakabata vapostori vakavaisa mutorongo maipinzwa vanhu vose. Asi mutumwa waIshe wakazarura misuo yetorongo usiku, akavabudisa, akati, “Endai, mumire mutemberi muchitaura kuvanhu mashoko ose oupenyu uhwu.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 5

Mabasa 5:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Asi mumwe murume anonzi Ananiya aiva nomudzimai wake ainzi Safira, akatengesa chimwe chikamu chezvinhu zvake. Akachengeta chimwe chikamu chemari yacho mudzimai wake achizviziva. Akauya nechimwe chikamu chemari iya akaiisa mumaoko avapositori. Asi Pita akati, “Nhai Ananiya wapindwa sei naSatani kudai kuti ureve nhema kuna Mweya Mutsvene uchizvichengetera chimwe chikamu chomutengo womunda? Pawakanga usati watengeswa wakanga usiri wako here uye pawakanga watengeswa mari yacho yakanga isiri mumaoko ako here? Ko zvaita seiko kuti ufunge kuita izvi mumwoyo mako? Hauna kurevera munhu nhema asi Mwari.” Ananiya paakanzwa mazwi aya akawira pasi akabva afa. Vanhu vose vakazvinzwa vakatya zvikuru. Vechidiki vakasimuka vakamuputira vakamutakura vakandomuviga. Mushure memaawa matatu mudzimai wake akauyamo asingazivi zvakanga zvaitika. Pita akati kwaari, “Ndiudze kuti makatengesa munda uyu nemari iyi here?” Mudzimai akati, “Hongu nemari iyoyo.” Pita ndokuti kwaari, “Ko matenderana sei kuedza Mweya waMwari? Teerera unzwe tsoka dzavanhu vaviga murume wako dzava pamusuo. Vachakutakura vachikuburitsa kunze.” Pakarepo akabva ati gwadara kuwira pasi achibva afa. Vechiduku vaya pavakapinda vakamuwana atofa. Vakamutakura vachimuburitsa kunze vakandomuviga pedyo nomurume wake. Sangano rose rakawirwa nokutya kukuru uye vose vakanzwa zvinhu izvi. Zviratidzo zvizhinji nezvishamiso zvakaitwa mukati mavanhu namaoko avapositori. Vaisanganira vose muBerere raSoromoni. Vamwe vanhu vose vaitya kubatana navo asi vanhu vaivaremekedza zvikuru. Asi vatendi vairamba vachingowedzerwa kuna Tenzi, varume navakadzi vazhinji zvokuti vamwe vaitotakura varwere vachivaisa mumigwagwa vachivaradzika pamibhedha napahukwe kuti Pita paainge opfuura nepo kana mumvuri wake chaiwo ungopfuura napana vamwe vavo. Vanhu vakaunganawo vachibva mumaguta akapoteredza Jerusaremu vachiuya navarwere vakanga vachitambudzwa nemweya yakaipa. Vose vakaporeswa. Asi mupristi mukuru akamuka navose vechikwata chake vebato revaSadhusei. Pamusana pokuzara neshanje vakasunga vapositori vakavaisa muJeri ravanhu vose. Asi usiku mutumwa waMwari akazarura makonhi ejeri akavaburitsa ndokuvati, “Endai mundomira muTemberi mutaure kuvanhu mazwi ezveUpenyu uhwu.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 5

Mabasa 5:1-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino mumŋe murume, wainzi Ananiasi, wakateŋgesa fuma yake, anaSafira mukadzi wake, akaɀikamurira ɀimŋe pamuteŋgo, mukadzi wake aciɀiziʋa ʋo, akaʋuya nomumŋe mugoʋe, ndokuuisa pamberi paʋaapostora. Asi Petro akati: Ananiasi, Satani wazadzireiko mŋoyo wako, kuti ureʋe nhema kuMŋeya Mutȿene, nokuɀikamurira ɀimŋe pamuteŋgo womunda? Iwo uciri’po, wakaŋga usi wako here? Wateŋgeswa, wakaŋga usinesimba naɀo here? Waita seiko, ɀawafuŋga cinhu ici mumŋoyo mako? Hauna‐kureʋa nhema kuʋanhu, asi kunaMŋari. Ananiasi, wakati acinzwa mashoko iwayo, akawira pasi, akaɓuɗisa mŋeya wake; kutya kukuru kukawira ʋose ʋakaɀinzwa. Majaya akasimuka, akamuputira, ndokumutakurira kunze, ndokumuʋiga. Ŋguʋa dzineŋge senhatu dzakati dzapfuʋura, mukadzi wake akapinda, asiŋgaziʋi ɀaitwa. Petro akapindura kwaari, akati: Ndiʋudze kana makateŋgesa munda nemari yakaɗai? Iye akati: Hoŋo, neyakaɗai. Petro akati kwaari: Maita seiko ɀamaraŋgana kuidza Mŋeya waShe? Tarira, tsoka dzaʋakaʋiga murume wako, dziciri pamukoʋa, ʋacakutakurira ʋo kunze. Ipapo akawira pasi pakarepo patsoka dzake, akaɓuɗisa mŋeya wake; majaya akapinda, akamuwana afa, ndokumutakurira kunze, ndokumuʋiga kumurume wake. Kutya kukuru kukawira kereke yose naʋose ʋakaɀinzwa. Ɀiratidzo neɀinoshamisa ɀizhinji ɀikaitwa pakati paʋanhu namaʋoko aʋaapostora; ʋose ʋaiʋa nomŋoyo mumŋe paɓiraʋira raSoromoni. Asi pakati paʋamŋe kwakaŋga kusinomunhu wakatsuŋga kuɀiisa kwaʋari; asi ʋanhu ʋaiʋakudza. Ʋatendi ʋazhinji kwaɀo, ʋarume naʋakadzi, ʋairamba ʋaciwedzerwa kunaShe. Nokuɗaro ʋakatakurira ʋarwere munzira dzomumusha, ʋakaʋaradzika pamibeda napanhoʋo, kuti kana Petro acisweɗera’po, kunyaŋge nomumvuri wake ɓedzi udzikatire mumŋe waʋo. Naʋazhinji ʋamaguta akapoteredza Jerusarema ʋakaʋuŋgana, ʋaciʋuya naʋarwere, naʋaitambudzika nemŋeya yetȿina, ʋakaporeswa. Ɀino muprista mukuru akasimuka, naʋose ʋaiʋa naye (ʋaiʋa ʋedzidziso yaʋaSaduse), ʋanegoɗo kwaɀo; ʋakaɓata ʋaapostora ʋakaʋaisa mutoroŋgo maipinzwa ʋanhu ʋose. Asi mutumŋa waShe wakazarura mikoʋa yetoroŋgo ʋusiku, akaʋaɓuɗisa, akati: Endai, mumire mutembere mucitaura kuʋanhu mashoko ose oƲupenyu ubgu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 5

Mabasa 5:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)