Zvino mumwe murume, ainzi Ananiasi, akatengesa pfuma yake, ana Safira mukadzi wake, akazvikamurira zvimwe pamutengo, mukadzi wake achizivawo, akauya nomumwe mugove, ndokuuisa pamberi pavapostori. Asi Petirosi akati, “Ananiasi, Satani wazadzireiko mwoyo wako, kuti ureve nhema kuMweya Mutsvene, nokuzvikamurira zvimwe pamutengo womunda? Iwo uchiripo, wakanga usi wako here? Watengeswa, wakanga usina simba nazvo here? Waita seiko, zvawafunga chinhu ichi mumwoyo mako? Hauna kureva nhema kuvanhu, asi kuna Mwari.” Ananiasi, akati achinzwa mashoko iwayo, akawira pasi, akabudisa mweya wake; kutya kukuru kukawira vose vakazvinzwa. Majaya akasimuka, akamuputira, ndokumutakurira kunze, ndokumuviga.
Nguva dzinenge senhatu dzakati dzapfuura, mukadzi wake akapinda, asingazivi zvaitwa. Petirosi akapindura kwaari akati, “Ndiudze kana makatengesa munda nemari yakadai?” Iye akati, “Hongu, neyakadai.”
Petirosi akati kwaari, “Maita seiko zvamarangana kuedza Mweya waIshe? Tarira, tsoka dzavakaviga murume wako, dzichiri pamusuo, vachakutakurirawo kunze.”
Ipapo akawira pasi pakarepo patsoka dzake, akabudisa mweya wake; majaya akapinda, akamuwana afa, ndokumutakurira kunze, ndokumuviga kumurume wake. Kutya kukuru kukawira kereke yose navose vakazvinzwa.
Zviratidzo nezvinoshamisa zvizhinji zvikaitwa pakati pavanhu namaoko avapostori; vose vaiva nomwoyo mumwe pabiravira raSoromoni. Asi pakati pavamwe kwakanga kusina munhu akatsunga kuzviisa kwavari; asi vanhu vaivakudza. Vatendi vazhinji kwazvo, varume navakadzi, vairamba vachiwedzerwa kuna Ishe. Nokudaro vakatakurira varwere munzira dzomumusha, vakavaradzika pamibhedha napanhoo, kuti kana Petirosi achiswederapo, kunyange nomumvuri wake bedzi udzikatire mumwe wavo. Navazhinji vamaguta akapoteredza Jerusaremu vakaungana, vachiuya navarwere, navaitambudzika nemweya yetsvina, vakaporeswa.
Zvino mupristi mukuru akasimuka, navose vaiva naye (vaiva vedzidziso yavaSadhusi), vane godo kwazvo; vakabata vapostori vakavaisa mutorongo maipinzwa vanhu vose. Asi mutumwa waIshe wakazarura misuo yetorongo usiku, akavabudisa, akati,
“Endai, mumire mutemberi muchitaura kuvanhu mashoko ose oupenyu uhwu.”