2 Madzimambo 16
16
Ahazi mambo wokwaJudha (736—716 K.A.A.)
(2 Nhor 28:1–27)
1Mugore regumi nechinomwe rokutonga kwaPeka mwanakomana waRemariya, Ahazi mwanakomana waJotamu mambo wokwaJudha akavamba kutonga. 2Ahazi akanga ava namakore makumi maviri paakatangisa kutonga, akatonga kwamakore gumi namatanhatu ari muJerusaremu. Haana kuita zvakarurama zvinodiwa naTenzi, Mwari wake sezvakaitwa natateguru wake Dhavhidhi 3asi akatevedzera gwara ramadzimambo okwaIsiraeri akatosvika pakupisa mwana wake mukomana sechibayiro, maererano netsika yakaipisisa kwazvo yaiitwa namarudzi akadzingirwa vaIsiraeri naTenzi. 4Akapira zvibayiro akapisa rusenzi panzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira napamwe pakatunhumara pasi pemiti yose minyoro.
5Rezini mambo weSiria naPeka mwanakomana waRemariya mambo wokwaIsiraeri vakakwira kundorwisa Jerusaremu. Vakakomba Ahazi asi havana kumukurira. 6Panguva iyoyo Rezini mambo weSiria#16:6 Siria: MuchiGiriki munoti Edhomu. akatora guta reErati pakare, ndokudzinga vokwaJudha muErati. VechiSiria vakauya vakagara muErati kusvikira nhasi uno. 7Ahazi akama nhume kuna Tigiratipiriesa mambo weAsiria kundoti, “Ndiniwo muranda wenyu mwana wenyu. Dai mangouya zvenyu mandinunurawo mumaoko amambo weSiria nomumaoko wokwaIsiraeri vamuka kundirwisa kuno.” 8Ahazi akatora sirivha nendarama yaiva iri mumba yaTenzi nomudzimba dzokuchengetera upfumi hwomumuzinda wamambo akatumira sechipo kuna mambo weAsiria. 9Mambo weAsiria akanzwa chichemo chake. Akasimuka kundorwisa guta reDhamasikusi akarikurira akatapa vanhu vaivamo akaenda navo kuKiri akauraya Rezini.
10Pakaenda mambo Ahazi kuDhamasikusi kundosangana naTigiratipiriesa mambo weAsiria akaona atari yaiva muDhamasikusi. Mambo Ahazi akatumira mupristi Uria purani yeatari iyoyo namamiriro ayo noudorongoshwa hwose hwezvayakaita. 11Mupristi Uria akavaka atari achitevedza zvaakafanotumirwa namambo Ahazi kubva kuDhamasikusi. Mupristi Uria akaita saizvozvo mambo Ahazi asati asvika kubva kuDhamasikusi. 12Mambo paakadzoka kuDhamasikusi akaenda kundoona atari iyi, akasvika pedyo nayo ndokukwira payakanga iri. 13Akapisa mupiro wake wokupisa nomupiro wake wembesanwa, akapirawo mupiro wake wokuteura ndokusasa ropa remipiro yokuwadzana paatari iyoyo. 14Atari yendarira yakanga iri pana Tenzi akaibvisa pamberi pemba panzvimbo yayo pakati peatari yake nemba yaTenzi. Akandoiisa kuchamhembe kweatari yake. 15Mambo Ahazi akarongera mupristi Uriya achiti, “Paatari huru iyi ndipo pamunofanira kupirira mupiro wamangwanani wokupisa nomupiro wamanheru wembesanwa nomupiro wokupisa wamambo nomupiro wake wembesanwa. Ndipo pamunopirawo mipiro yokupisa yavanhu vose venyika nemipiro yavo yembesenwa nemipiro yavo yokuteura. Pana iyoyi ndipo pamunosasa ropa rose rezvibayiro zvokupisa neropa rose rezvibayiro. Asi atari yendarira ndeyangu ini, ndipo pandichapota ndichinzwa kuti zvinhu zvingafambe sei.” 16Mupristi Uriya akaita zvose izvozvi sezvakanga zvanzi namambo Ahazi zviitwe.
17Mambo Ahazi akacheka ndokubvisa mapango okumisasa mitumbi yengoro, akabvisa padziri mabhavhu akabvisawo zibhavhu ziguruguru riya pahandira parakanga rakagadzikirwa. Akarigadzikira pachidzikiro chamatombo. 18Pamusana pamambo weAsiriya, akabvisa nzira yaiva nedenga rayo yakanga yakavakwa mumuzinda wamambo yokushandisa musi weSabata ndokubvisawo musuo wokunze wokupinda namambo mumba yaTenzi.
19Inga dzimwe nyaya dzezvaAhazi zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaJudha. 20Ahazi akazovata oendawo kwakaenda vamwe kumadzitateguru ake, akavigwa pamwechete namadzibaba ake muguta raDhavhidhi. Mwanakomana wake Hezekiya ndiye akazotonga panzvimbo pake.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Madzimambo 16: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.