2 Madzimambo 15
15
Azaria kana kuti Uziya mambo wokwaJudha
(2 Nhor 26:1–23)
1Mugore ramakumi maviri nechinomwe rokutonga kwaJerobhoamu mambo wokwaIsiraeri, Azariya mwanakomana waAmaziya mambo wokwaJudha akatangisa kutonga. 2Akanga ava namakore gumi namatanhatu paakatanga kutonga. Akatonga kwamakore makumi mashanu namaviri ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Jekoriya vomuJerusaremu. 3Iyeyu akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi sezvakaitwa nababa vake Amaziya. 4Zvakadaro zvazvo nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira hadzina kubviswa. Vanhu vainge vachingopira zvavo zvibayiro nokupisa rusenzi panzvimbo idzodzo dzakatunhumara dzokuteurira. 5Tenzi akarova mambo nechirwere chemaperembudzi chikaramba chakamubata kusvikira pazuva raakafa. Izvozvo ainge ongogara mumba make ari oga oga. Jotamu mwanakomana wamambo ndiye akanga abata zvomumuzinda wamambo achitonga vanhu.
6Inga dzimwe nyaya dzezvaAzariya nezvose zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha. 7Azariya akazovatawo oendawo kwakaenda vamwe kumadzitateguru ake. Vakamuviga pamwechete namadzibaba ake muguta raDhavhidhi. Mwanakomana wake Jotamu ndiye akazotonga panzvimbo pake.
Zekariya mambo wokwaIsiraeri (743 K.A.A.)
8Mugore ramakumi matatu nechisere rokutonga kwaAzariya mambo wokwaJudha, Zekariya mwanakomana waJerobhoamu akatonga vokwaIsiraeri ari muSamaria kwemwedzi mitanhatu. 9Iyeyu akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi sezvakaita madzibaba ake haana kusiyana nezvitadzo zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri mukutadza. 10Sharumu mwanakomana waJabheshi akaronga zvokumumukira akamuponda pane vanhu akafa. Iye ndokutonga panzvimbo pake.
11Inga dzimwe nyaya dzezvaZekariya zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri.
12(Ichochi ndicho chitsidzo chaTenzi chaakaita kuna Jehu achiti, “Vana vako vakomana vachagara pachigaro choumambo hwokwaIsiraeri kusvikira kuchizvarwa chechina,” zvikabva zvaitika saizvozvo).
Sharumu mambo wokwaIsiraeri (743 K.A.A.)
13Sharumu mwanakomana waJabheshi akatangisa kutonga mugore ramakumi matatu nechipfumbamwe rokutonga kwaUziya mambo wokwaJudha. Akatonga kwemwedzi mumwechete ari muSamaria.
14Menahemu mwanakomana waGadhi akabva kuTiriza akakwira kuSamaria akaponda Sharumu mwana waJabheshi muSamaria akamuuraya ndokutonga panzvimbo pake. 15Inga dzimwe nyaya dzezvaSharumu nokuronga kwaakaita zvokupanduka zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaIsiraeri. 16Panguva iyoyo Menahemu akaparadza Tifusa navose vaivemo nedunhu raro, kubvira kuTiriza zvichienda mberi nokuti havana kumuzarurira guta irori ndokusaka akariparadza achitumbura madzimai aiva nepamuviri vakanga varimo.
Menahemu mambo wokwaIsiraeri (743—738 K.A.A.)
17Mugore ramakumi matatu nechipfumbamwe rokutonga kwaAzaria mambo wokwaJudha, Menahemu mwanakomana waGadhi akatangisa kutonga kwaIsiraeri. Akatonga kwegumi ramakore ari muSamaria. 18Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi. Pamazuva ake ose haana kusiyana nezvitadzo zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri mukutadza. 19Puru mambo weAsiria akauya kuzorwisa nyika iyi, ndokubva Menahemu apa Puru mari yesirivha inorema makirogiramu zviuru makumi matatu nezvina achida kuti abatsirwe kuita kuti umambo hwake hudzike midzi. 20Menahemu akawana mari iyoyi nokuteresa vokwaIsiraeri. Akaitora kuna vapfumi achibvisisa makumi mashanu emari yesirivha yamashekeri pamunhu, yokupa kuna mambo weAsiria. Nokudaro mambo weAsiria akadzokera zvake. Haana kuzoramba ari munyika umu.
21Inga dzimwe nyaya dzezvaMenahemu nezvose zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri. 22Menahemu akazovata oendawo kwakaenda vamwe kumadzitateguru ake. Mwanakomana wake Pekahiya ndiye akazotonga panzvimbo pake.
Pekahiya mambo wokwaIsiraeri (738—737 K.A.A.)
23Mugore regumi nechishanu rokutonga kwaAzariya mambo wokwaJudha, Pekahiya mwanakomana waMenahemu akatangisa kutonga kwaIsiraeri ari muSamaria. Akatonga kwamakore maviri. 24Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi. Haana kusiyana nezvitadzo zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri mukutadza. 25Mumwe mukuru mukuru wehondo yake ainzi Peka, mwanakomana waRemariya akaronga kumupandukira navarume makumi mashanu vokwaGireadhi vakamuuraya#15:25 Vakamuuraya: MuchiHebheru munoti pakaurayiwawo Arigobhu naArie. kuSamaria mumba yokuhwanda hondo yomumuzinda wamambo, akabva ava kutonga panzvimbo pake.
26Inga dzimwe nyaya dzezvaPekahiya nezvose zvaakaita, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri.
Peka mambo wokwaIsiraeri (737—732 K.A.A.)
27Mugore ramakumi mashanu nechipiri rokutonga kwaAzariya mambo wokwaJudha, Peka mwanakomana waRemariya akatanga kutonga kwaIsiraeri ari muSamaria. Akatonga kwamakumi maviri amakore. 28Akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi. Haana kusiyana nezvitadzo zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri mukutadza.
29Pamazuva aPeka mambo wokwaIsiraeri, Tigiratipireseru mambo weAsiria akauya akakurira Iyoni neAbherobhetimaaka neJanoa neKedheshi neHazori nokwaGireadhi neGarirea nenyika yose yokwaNafutari. Akatapa vanhu ivavo akaenda navo kuAsiria.
30Hoshea mwanakomana waEra akaronga kupandukira Peka mwanakomana waRemariya akamuponda akamuuraya akatonga panzvimbo pake. Izvozvo raiva gore rechimakumi maviri rokutonga kwaJotamu mwanakomana waUziya.
31Inga dzimwe nyaya dzezvaPeka nezvose zvaakaita, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzemadzimambo okwaIsiraeri. 32Mugore rechipiri rokutonga kwaPeka, mwanakomana waRemariya, mambo wokwaIsiraeri, Jotamu mwanakomana waUziya, mambo wokwaJudha akatanga kutonga. 33Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakatangisa kutonga. Akatonga kwemakore gumi namatanhatu ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Jerusha, mwanasikana waZadhoki. 34Akaita zvakarurama, zvinodiwa naTenzi, sezvakaitwawo nababa wake Uziya. 35Zvakadaro zvazvo, nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira hadzina kubviswa. Vanhu vainge vachingopira zvavo zvibayiro nokupisa rusenzi panzvimbo idzodzo dzakatunhumara dzokuteurira. Akavaka Suo Guru roKumusoro repamba paTenzi.
Jotamu mambo wokwaJudha (740—736 K.A.A.)
(1 Nhor 27:1–9)
36Inga dzimwe nyaya dzezvaJotamu nezvose zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha. 37Mumazuva iwayo Tenzi akatanga kutuma Rezini mambo weSiria naPeka mwanakomana waRemariya kuti varwise vokwaJudha. 38Jotamu akazovatawo oenda kwakaenda vamwe kumadzitateguru ake. Akavigwa pamwechete namadzibaba ake muguta raDhavhidhi tateguru wake. Mwanakomana wake Ahazi ndiye akazotonga panzvimbo pake.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Madzimambo 15: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.