Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vakorinde 15:42-49

1 Vakorinde 15:42-49 SCLBD

Ndizvo zvimwechetezvo nokumuka kwavakafa. Chinodyarwa chinoparara asi chinomutswa hachiparari. Chinodyarwa mukuzvidzwa asi chichimutswa chava kupenya; chinodyarwa muutera asi chichimutswa chava nesimba. Chinodyarwa somuviri unobatika asi chinomutswa chava muviri womweya. Zvino kana pano muviri unobatika kuno muviriwo womweya. Ndizvo zvakanyorwa zvichinzi munhu wokutanga, Adhamu akava chinhu chipenyu; Adhamu wokupedzisa akava mweya unopa upenyu. Asi hausi womweya unotanga asi unobatika kozoteverwa nowomweya. Munhu wokutanga akabva kuvhu, munhu wevhu. Munhu wechipiri anobva kudenga. Vanhu vehuruva vakafanana nomunhu uya wevhu, saizvozvowo vanhu vokudenga vakafanana nomunhu wokudenga. Sokutodzana kwatakaita nomunhu wehuruva tichatodzanawo noMunhu wokudenga.