Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 15:42-49

1 VaKorinde 15:42-49 SNA2002

Ndizvo zvakaitawo kumuka kwavakafa. Muviri unodyarwa pakuora; unomutswa pakusaora; unodyarwa pakuzvidzwa, unomutswa pakubwinya; unodyarwa pautera, unomutswa pasimba. Unodyarwa uri muviri wokuberekwa, unomutswa uri muviri womweya. Muviri wokuberekwa uripo, nomuviri womweya uripo. Zvakanyorwawo saizvozvo, zvichinzi, “Munhu wokutanga, Adhamu, akaitwa munhu mupenyu;” Adhamu wokupedzisira akaitwa mweya, unopa upenyu. Asi zvomweya hazvizi zvokutanga, asi zvokuberekwa; tevere zvomweya kudenga. Munhu wokutanga ndowenyika, wevhu; munhu wechipiri akabva kudenga. Saiye wevhu, ndizvo zvakaitawo avo vevhu; saiye wokudenga, ndizvo zvakaitawo ivo vokudenga. Uye, sezvatakanga tinomufananidzo womunhu wevhu, tichavawo nomufananidzo waiye wokudenga.