1 Nhoroondo 25
25
Vaimbi vepamba yaTenzi
1Dhavhidhi navakuru vakuru vebasa racho vakasarudzawo vokuita basa, vamwe vevanakomana vokwaAsafu nevokwaHemani nevokwaJedhutuni kuti vave vokuporofita kana kwaridzwa zvipendani namadimbwa namakwakwakwa outare. Mazita avanhu vakanyorwa vokuita basa iri namabasa avo akamira akadai izvi:
2kuvanakomana vokwaAsafu paiti Zakuri
naJosefi naNetaniya naAsharera.
Vana vaAsafu vaitungamirirwa naiye Asafu
vachizviita vari mumaoko amambo,
3kune vokwaAjedhutuni, vana vaiye Jedhutuni
paiti Gedhariya naZeri naJeshaya naShimei
naHashabhiya naMatitiya vari vatanhatu kudaro.
Vaingewo vachitungamirirwa nababa wavo Jedhutuni
vaiporofitawo kwaridzwa zvipendani vachitenda
nokurumbidza Tenzi;
4kune vokwaHemani, vanakomana vaHemani
paiva naBhukiya naMataniya naUzieri
kwouya Shubhaeri naJerimoti naHananiya naHanani
kwoti Eriyata naGidhariti naRomamitiezeru
kwozouya Joshibhekasha naMaroti naHotiri naMahazioti.
5Vose ivava vaiva vanakomana vaHemani muoni wokwamambo maereranowo nechitsidzo chaMwari chokuvakwidziridza nokuti Mwari aiva apa Hemani vana vakomana gumi navana navana vasikana vatatu. 6Vose ivava vaitungamirirwa nababa wavo mune zvokuimba izvi mumba yaTenzi vaine makwakwakwa outare namadimbwa nezvipendhani pane zvainge zvichiitwa mumba yaMwari. Zvaiitwa naAsafu naJedhutuni naHemani vaizviita vari mumaoko amambo. 7Uwandi hwavo pamwechete nehama dzavo hwevakanga vadzidziswa kuimbira Tenzi, vose zvavo vaiva noumhisha hwacho vakanga vari mazana maviri ane makumi masere ane vanhu vasere. 8Vakavagovanisa mabasa avo nechin'ange zvimwechetezvo mukuru nomudiki, mudzidzisi nomudzidzi.
9Kune vokwaAsafu,
pakutanga chin'ange chakaenda kuna Josefi
pechipiri kuna Gedhariya
iye nehama dzake navanakomana vake,
vari gumi navaviri;
10pechitatu kuna Zakuri, iye navanakomana vake,
nehama dzakewo, vari gumi navaviri;
11pechina kuna Iziri navanakomana vake,
nehama dzake, vari gumi navaviri;
12pechishanu kuna Netaniya
navanawo vake vakomana nehama dzakewo,
vari gumi navaviri;
13pechitanhatu kuna Bhukiya
navanakomana vakewo nehama dzake,
vari gumi navaviri;
14pechinomwe kuna Jesharera
navanakomana vake nehamawo dzake,
vari gumi navaviri;
15pechisere kuna Jeshaya
navanakomanawo vake nehama dzake,
vari gumiwo navaviri;
16pechipfumbamwe kuna Mataniya
navana vakewo vakomana nehama dzake,
vari gumi navaviri;
17pechigumi kuna Shimei
navana vakomana vake nehama dzake,
vari gumi navaviri;
18pegumi nechiposhi kuna Azareri
navana vake vakomana nehama dzake,
vari gumi navaviri;
19pegumi nechipiri kuna Hashabhiya
navanakomana vakewo nehama dzake,
vari gumi navaviri;
20pegumi nechitatu kuna Shubhaeri
navanawo vakomana vake nehama dzake,
vari gumi navaviri;
21pegumi nechina kuna Matitiya
navanakomana vake nehama dzake,
vari gumi navaviri;
22pegumi nechishanu kuna Jeremoti
navanakomanawo vake nehama dzake,
vari gumi navaviri;
23pegumi nechitanhatu kuna Hananiya
navanakomana vakewo nehama dzake,
vari gumi navaviri;
24pegumi nechinomwe kuna Joshibhekasha
navanakomana vake nehamawo dzake,
vari gumi navaviri;
25pegumi nechisere kuna Hanani
navana vake vakomana nehama dzake,
vari gumi navaviri;
26pegumi nechipfumbamwe kuna Maroti
navanawo vake vakomana nehama dzake,
vari gumi navaviri;
27pechimakumi maviri kuna Eriyata
navanakomana vake nehamawo dzake,
vari gumi navaviri;
28pemakumi maviri nechiposhi kuna Hotiri
navanawo vake vakomana nehama dzake,
vari gumi navaviri;
29pemakumi maviri nechipiri kuna Gidhariti
navanakomana vakewo nehama dzake,
vari gumi navaviri;
30pemakumi maviri nechitatu kuna Mahazioti
navana vake vakomana nehamawo dzake,
vari gumi navaviri;
31pemakumi maviri nechina kuna Romamutiezeru
navanakomanawo vake nehama dzake,
vari gumi navaviri.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Nhoroondo 25: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.