Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zekariya 3

3
Chiratidzo chechina, Joshua anopomerwa naSatani asi anorwirwa naJehovha
1Zvino wakandiratidza Joshua mupristi mukuru, amire pamberi pomutumwa waJehovha, Satani amire paruoko rwake rworudyi, kuti ave mudzivisi wake. 2Jehovha akati kuna Satani, “Jehovha ngaakutuke, iwe Satani; zvirokwazvo, Jehovha, wakazvisanangurira Jerusaremu, ngaakutuke; ko ichi hachizi chitsika chakabvutwa pamoto here?”
3Zvino Joshua akanga akafuka nguo dzine tsvina, amire pamberi pomutumwa.
4Akapindura, akataura navakanga vamire pamberi pake, achiti, “Bvisai nguo dzake dzine tsvina.” Akati kwaari, “Tarira, ndakabvisa zvakaipa zvako, ndichakupfekedza nguo dzomutambo.”
5Ini ndikati, “Ngavamudzike ngoani yakachena pamusoro wake.” Ipapo vakamudzika ngoani yakachena pamusoro wake, vakamupfekedza nguo; zvino mutumwa waJehovha akanga amirepo.
6Mutumwa waJehovha akapupura kuna Joshua, achiti, 7“Zvanzi naJehovha wehondo, ‘Kana ukafamba nenzira dzangu, kana ukachengeta zvandakakuraira, ipapo uchatonga imba yangu, uye uchachengetawo mavazhe angu, ini ndichakupa mapindire pakati pavamire pano. 8Zvino chinzwa iwe Joshua, mupristi mukuru, iwe neshamwari dzako dzigere pamberi pako; nokuti varume ava chiratidzo; nokuti tarirai, ndichauyisa muranda wangu, davi. 9Nokuti tarirai ibwe randakaisa pamberi paJoshua; pabwe rimwe pana meso manomwe; tarirai, ndichatema runyoro rwaro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichabvisa zvakaipa zvenyika iyo nezuva rimwe. 10Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo muchadana mumwe nomumwe wenyu shamwari yake agare pasi pomudzambiringa napasi pomuonde.’ ”

Zvasarudzwa nguva ino

Zekariya 3: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda