Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zekariya 2

2
Chiratidzo chechitatu chokuyerwa kweJerusaremu
1Zvino ndakarinzira meso angu, ndikatarira, ndikaona murume akabata rwonzi rwokuyera muruoko rwake. 2Ipapo ndikati, “Unoendepiko?” Iye akati kwandiri, “Kundoyera Jerusaremu, ndione kufara kwaro nokureba kwaro.”
3Zvino tarira, mutumwa akanga achitaurirana neni, akabuda, mumwe mutumwa akandomuchingamidza, 4akati kwaari, “Mhanya, undotaura nejaya iri, uti, ‘Jerusaremu richagara semisha isina masvingo, nokuda kwokuwanda kwavanhu nezvipfuwo zvirimo.’
5“Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Ini ndichava kwariri sorusvingo rwomoto rwakapoteredza, ini ndichava kubwinya kwaro mukati maro.’
6“Nhai, imi tizai panyika yokumusoro ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndakakuparadzirai semhepo ina dzokudenga,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
7“Nhai, Zioni, tiza, iwe ugere nomukunda weBhabhironi. 8Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, ‘Wakanditumira kundudzi dzakakupambai imi, kuti ndiwane kukudzwa; nokuti unokugunzvai imi, unogunzva mboni yeziso rake.’ ” 9Nokuti tarirai, ndichazunungusa ruoko rwangu pamusoro pavo, vachava chinhu chakapambwa kuna ivo vaivabatira; ipapo muchaziva kuti Jehovha wehondo ndiye akandituma.
10“Imba, ufare, iwe mukunda weZioni; nokuti tarira, ndinouya, ndichagara mukati mako,” ndizvo zvinotaura Jehovha. 11Ndudzi zhinji dzichanamatira Jehovha nezuva iro, vakava vanhu vangu; ndichagara mukati mako, ipapo iwe uchaziva kuti ndiye Jehovha wehondo wakandituma kwauri.
12Judha vachagarwa nhaka naJehovha, uchava mugove wake munyika tsvene, uchazvisanangurirazve Jerusaremu. 13Nyararai imi nyama yose pamberi paJehovha; nokuti wamuka paugaro hwake hutsvene.

Zvasarudzwa nguva ino

Zekariya 2: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda