Zekariya 12
12
Vanhu vaJehovha vachazoropafadzwa
1Chirevo cheshoko raJehovha pamusoro paIsiraeri.
Zvanzi naJehovha, iye anotamura denga rose, anoteya nheyo dzenyika, nokuumba mweya womunhu mukati make, 2“Tarirai, ndichaita Jerusaremu mukombe wokudzedzeresa ndudzi dzose dzavanhu vakapoteredza; uchavawo pamusoro paJudha pakukombwa kweJerusaremu. 3Nezuva iro ndichaita Jerusaremu ibwe rinoremedza ndudzi dzose dzavanhu; vose vanozvitakudza iro vachakuvadzwa kwazvo; ndudzi dzose dzenyika dzichariunganira kuzorwa naro. 4Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha ndicharova bhiza rimwe nerimwe nokutya, nomutasvi waro nokupenga; ndichasvinudzira imba yaJudha meso angu, nokurova bhiza rimwe nerimwe rendudzi dzavanhu nokupofumara. 5Ipapo madzishe aJudha achati mumwoyo mavo, ‘Vagere Jerusaremu ndivo simba redu muna Jehovha wehondo, Mwari wavo.’
6“Nezuva iro ndichaita madzishe aJudha segango romoto pakati pehuni, uye sezhenje romoto pakati pezvisote; vachaparadza ndudzi dzose dzavanhu vakapoteredza, kuruoko rworudyi nokuruoko rworuboshwe; veJerusaremu vachagarazve panzvimbo yavo, ipo paJerusaremu.
7“Jehovha achatanga kuponesawo matende aJudha, kuti kukudzwa kweimba yaDhavhidhi nokukudzwa kwavagere Jerusaremu kurege kupfuura kukudzwa kwaJudha. 8Nezuva iro Jehovha achadzitira vagere Jerusaremu; anoshaiwa simba pakati pavo nezuva iro achava saDhavhidhi; imba yaDhavhidhi ichava saMwari, somutumwa waJehovha pamberi pavo. 9Zvino nezuva iro ndichatsvaka kuparadza ndudzi dzose dzavanhu dzinomukira Jerusaremu.
10“Ndichadira mweya wenyasha nowokunyengetera pamusoro peimba yaDhavhidhi, napamusoro pavagere Jerusaremu; vachanditarira ini, wavakabvowora; vachamuchema iye, somunhu unochema mwanakomana wake mumwechete, vachava neshungu kwazvo pamusoro pake, somunhu ane shungu pamusoro pomwana wake wedangwe.
11“Nezuva iro paJerusaremu pachava nokuchema kukuru, sokuchema kweHadhadhihimoni mumupata waMegidhoni. 12Nyika ichachema, veimba imwe neimwe vari voga; veimba yaDhavhidhi vari voga, navakadzi vavo vari voga, veimba yaNatani vari voga, navakadzi vavo vari voga; 13naveimba yaRevhi vari voga, navakadzi vavo vari voga; veimba yavaShimei vari voga, navakadzi vavo vari voga; 14nedzimba dzose dzakasara, veimba imwe neimwe vari voga, navakadzi vavo vari voga.
Zvasarudzwa nguva ino
Zekariya 12: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002