Zekariya 11
11
Kuchema pamusoro penyika yaJehovha ichaparadzwa
1Zarura mikova yako, iwe Rebhanoni, kuti moto upedze misidhari yako. 2Ungudza iwe musipiresi, nokuti musidhari wawira pasi, nokuti miti yakanaka kwazvo yaparadzwa; ungudzai, imi miouki yeBhashani, nokuti dondo risingabviri kupindwa ratemwa. 3Inzwai izwi rokuungudza kwavafudzi! Nokuti kukudzwa kwavo kwaparadzwa; inzwai izwi rokuwomba kwavana veshumba! Nokuti kuzvikudza kwaJorodhani kwaitwa dongo.
Mufudzi akanaka nomufudzi akaipa
4Zvanzi naJehovha Mwari wangu, “Fudza makwai anozourawa; 5iwo anourawa navana vawo, vasine mhosva; vanoatengesa vanoti, ‘Jehovha ngaavongwe, nokuti ndakapfuma;’ vafudzi vawo havane tsitsi nawo.”
6“Nokuti handichazovi netsitsi navagere munyika ndizvo zvinotaura Jehovha; asi tarirai, ndichaisa vanhu avo, mumwe nomumwe muruoko rwookwake, nomuruoko rwamambo wake; vachaparadza nyika, ini ndisingavarwiri paruoko rwavo.”
7Saka ini ndakafudza makwai aizourawa, zvirokwazvo aiva makwai aizourawa, zvirokwazvo aiva makwai anonzwisa urombo. Ndikatora tsvimbo mbiri, imwe ndikaitumidza zita rinonzi, “Kunaka,” imwe ndikaitumidza zita rinonzi “Zvisungo;” ndikafudza makwai. 8Ndikaparadza vafudzi vatatu nomwedzi mumwe, nokuti mweya wangu wakanga waneta navo, nemweya yavo yakandisemawo. 9Ipapo ndikati, “Handichadi kukufudzai; chinoda kufa ngachife hacho, chinofanira kuparadza, ngachiparadzwe hacho; akasara ngaadye mumwe nomumwe nyama yomumwe.” 10Ipapo ndakatora tsvimbo yangu yainzi, “Kunaka,” ndikaivhuna-vhuna, kuti ndiputse sungano yangu yandakanga ndaita nendudzi dzose dzavanhu. 11Ikavhuniwa nezuva iro; naizvozvo varombo pakati pamakwai, vakanditerera, vakaziva kuti ishoko raJehovha. 12Ndikati kwavari, “Kana muchiti zvakanaka, chindipai mubayiro wangu; kana zvisakanaka, regai.” Ipapo vakandiyerera mubayiro wangu, masirivha ana makumi matatu. 13Jehovha akati kwandiri, “Chizvikandira kumuumbi wehari; ndiwo mutengo wakanaka wandakatengwa nawo navo.” Ini ndikatora masirivha ana makumi matatu, ndikaakandira kumuumbi wehari mumba maJehovha. 14Ipapo ndikavhuna-vhuna imwe tsvimbo yangu, yainzi, “Zvisungo,” kuti ndiputse ukama hwaiva pakati paJudha naIsiraeri.
15Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Chitorazve nhumbi dzomufudzi bedzi. 16Nokuti tarirai, ndichamutsa panyika ino mufudzi asingavi nehanya naakarashika, kana kutsvaka akapararira, kana kurapa akavhunika, kana kufudza anovata; asi achadya nyama yaakakora, nokubvamburanya mahwanda awo. 17Ane nhamo mufudzi asina maturo, anosiya makwai! Munondo uchatema ruoko rwake neziso rake rorudyi; ruoko rwake ruchaoma chose, uye ziso rake rorudyi richasvibirwa chose.”
Zvasarudzwa nguva ino
Zekariya 11: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002