Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 6:16-22

Varoma 6:16-22 SNA2002

Hamuzivi here, kuti uyo wamunozvipa kwaari kuti muve varanda vake kumuteerera, kuti muri varanda vaiye wamunoteerera; kana vezvivi zvinoisa kurufu, kana wokuteerera kunoisa kukururama? Asi Mwari ngaavongwe, nokuti imi maiva varanda vezvivi, mukazoteerera nomwoyo rudzi urwu rwedzidziso yamakaiswa kwairi. Makasunungurwa pazvivi, mukava varanda vokururama. Ndinotaura nokutaura kwavanhu, nokuda kwokushayiwa simba kwenyama yenyu; nokuti sezvamakapa mitezo yenyu kuti ive varanda vetsvina, navezvisakarurama zvinoisa kune zvisakarurama, saizvozvo ipai mitezo yenyu zvino ive varanda vokururama kunoisa kuutsvene. Nokuti panguva iyo muchiri varanda vezvivi, makanga makasununguka pakururama. Zvino maiva nezvibereko zveiko panguva iyo pazvinhu izvo zvamunonyadziswa nazvo zvino? Nokuti kuguma kwazvo ndirwo rufu. Asi zvino makasunungurwa pazvivi, mava varanda vaMwari, mune zvibereko zvenyu zvinoisa kuutsvene, uye kuguma kwazvo ndihwo upenyu husingaperi.

Verenga chikamu Varoma 6