VaRoma 6:16-22
VaRoma 6:16-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hamuzivi here kuti kana mukazvipa kuno mumwe munhu kuti mumuteerere savaranda, muri varanda kuno uyo wamunoteerera, mungava varanda vechivi, chinoendesa kurufu kana vokuteerera, kunoendesa kukururama? Asi Mwari ngaavongwe nokuti, kunyange zvenyu maimbova varanda vechivi, makateerera nomwoyo wenyu wose kurudzi rwedzidziso yamakanga mapiwa. Makasunungurwa kubva kuchivi uye mava varanda vokururama. Ndinotaura izvi nokutaura kwavanhu nokuda kwokushayiwa simba kwenyama yenyu. Sezvamaingopa mitezo yemiviri yenyu kuuranda hwokusachena uye nokuipa kunoramba kuchingowanda, saka zvino ipei kuuranda hwokururama hunoendesa kuutsvene. Pamakanga muri varanda vechivi, makanga makasununguka kubva pakutonga kwakarurama. Zvino makawaneiko panguva iyoyo kubva pazvinhu zvamunonyadziswa nazvo, iye zvino? Nokuti kuguma kwazvo ndirwo rufu! Asi zvino makasunungurwa kubva kuchivi uye mava varanda vaMwari, zvibereko zvamunokohwa zvinoisa kuutsvene, uye kuguma kwazvo ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu.
VaRoma 6:16-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hamuzivi here, kuti uyo wamunozvipa kwaari kuti muve varanda vake kumuteerera, kuti muri varanda vaiye wamunoteerera; kana vezvivi zvinoisa kurufu, kana wokuteerera kunoisa kukururama? Asi Mwari ngaavongwe, nokuti imi maiva varanda vezvivi, mukazoteerera nomwoyo rudzi urwu rwedzidziso yamakaiswa kwairi. Makasunungurwa pazvivi, mukava varanda vokururama. Ndinotaura nokutaura kwavanhu, nokuda kwokushayiwa simba kwenyama yenyu; nokuti sezvamakapa mitezo yenyu kuti ive varanda vetsvina, navezvisakarurama zvinoisa kune zvisakarurama, saizvozvo ipai mitezo yenyu zvino ive varanda vokururama kunoisa kuutsvene. Nokuti panguva iyo muchiri varanda vezvivi, makanga makasununguka pakururama. Zvino maiva nezvibereko zveiko panguva iyo pazvinhu izvo zvamunonyadziswa nazvo zvino? Nokuti kuguma kwazvo ndirwo rufu. Asi zvino makasunungurwa pazvivi, mava varanda vaMwari, mune zvibereko zvenyu zvinoisa kuutsvene, uye kuguma kwazvo ndihwo upenyu husingaperi.
VaRoma 6:16-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hamuzivi here kuti mukazviisa mumaoko omumwe munhu savaranda vanomuteerera, matova varanda vomunhu iyeyo wamunoteerera? Chingave chitadzo chamunoteerera chinosvitsa kurufu kana kuteerera kunotsvitsa mukururama. Asi tinotenda Mwari kuti, imi makambenge muri varanda vechitadzo, mava kuteerera nemwoyo wose chidzidziso chiri pamwero chamakazvipira kwachiri. Madaro kuzvisunungura kuchitadzo, makave varanda voururami. Tava kutaura zvedu savanhu, sezvinhu zvinongowanikawo muvanhu, pamusana poutera. Sezvamakambopa nhengo dzenyu kune zvetsvina uye nokuhuipi hwakaipisisa, saizvozvowo chipai nhengo dzenyu kune zvakarurama kuti muitwe vatsvene. Pamaiva varanda vechitadzo makanga makasununguka kuita zvakarurama noururami. Asi chii chamakawana muzvinhu izvozvo zvamavakutonyara nazvo. Mugumo wazvo rufu. Zvino zvamakasunungurwa muchitadzo mukava varanda vaMwari, mubayiro wamunowana kuitwa vatsvene. Uye mugumo wazvo upenyu usingaperi
VaRoma 6:16-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hamuziʋi here, kuti uyo wamunoɀipa kwaari kuti muʋe ʋaranda ʋake kumuterera, kuti muri ʋaranda ʋaiye wamunoterera; kana ʋeɀiʋi ɀinoisa kurufu, kana ʋokuterera kunoisa kukururama? Asi Mŋari ŋgaaʋoŋgwe, nokuti imi maiʋa ʋaranda ʋeɀiʋi, mukazoterera nomŋoyo rudzi urwu rwedzidziso yamakaiswa kwairi. Makasunuŋgurwa paɀiʋi, mukaʋa ʋaranda ʋokururama. Ndinotaura nokutaura kwaʋanhu, nokuɗa kwokushaiwa simba kwenyama yenyu; nokuti seɀamakapa mitezo yenyu kuti iʋe ʋaranda ʋetȿina, naʋeɀisakarurama ɀinoisa kuneɀisakarurama, saiɀoɀo ipai mitezo yenyu ɀino iʋe ʋaranda ʋokururama kunoisa kuʋutȿene. Nokuti paŋguʋa iyo muciri ʋaranda ʋeɀiʋi, makaŋga makasunuŋguka pakururama. Ɀino maiʋa neɀiɓereko ɀeiko paŋguʋa iyo paɀinhu iɀo ɀamunonyadziswa naɀo ɀino? Nokuti kuguma kwaɀo ndirwo rufu. Asi ɀino makasunuŋgurwa paɀiʋi, maʋa ʋaranda ʋaMŋari, muneɀiɓereko ɀenyu ɀinoisa kuʋutȿene, ʋuye kuguma kwaɀo ndibgo ʋupenyu bgusiŋgaperi.
VaRoma 6:16-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)