Nokuti chipikirwa chokuti uchava mugari wenhaka yenyika hachina kupiwa Abhurahamu kana rudzi rwake nomurayiro, asi nokururama kwokutenda.
Nokuti dai vomurayiro vari vagari venhaka, kutenda hakuna maturo, nechipikirwa chinokoneswa; nokuti murayiro unouyisa kutsamwa; asi pasina murayiro hapana kudarikawo.
Saka ndezvokutenda, kuti, zvive zvenyasha; kuti chipikirwa chive nesimba kurudzi rwose; rusati ruri rwomurayiro bedzi, asi norwokutenda kwaAbhurahamuwo, iye baba vedu tose, (sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Ndakakuita baba vamarudzi mazhinji”) pamberi paiye waakatenda, iye Mwari anopa vakafa upenyu, nokudana zvisipo sezvinenge zviripo.
Akatenda netariro pasina tariro, kuti ave baba vamarudzi mazhinji, sezvakanga zvarehwa, zvichinzi, “Rudzi rwako ruchadaro.” Haana kushayiwa simba pakutenda, achifunga muviri wake wakanga watofa hawo (zvaaiva namakore anenge zana), nokufa kwechizvaro chaSara; akatarira chipikirwa chaMwari, haana kunyunyuta nokusatenda, asi akasimbiswa pakutenda, akakudza Mwari, achiziva kwazvo, kuti icho chaakapikira, akanga ane simba rokuchiitawo. Saka zvakanzi kwaari, “Ndiko kururama.”
Zvino hazvina kunyorwa nokuda kwake bedzi, kuti “Zvikanzarwo kwaari;” asi nokuda kweduwo; nesu tichanzarwo; iyesu, tinotenda kunoakamutsa Jesu, Ishe wedu, kuvakafa iye akaiswa kurufu nokuda kwokudarika kwedu, akamutswa nokuda kwokururamiswa kwedu.