Varoma 4
4
Abhurahamu akaruramiswa nokutenda
1Zvino tichati Abhurahamu, tateguru vedu panyama, akawaneiko? 2Nokuti dai Abhurahamu akaruramiswa namabasa ake, angadai ane chinhu chaangazvirumbidza nacho; asi haana pamberi paMwari. 3Nokuti Rugwaro runoti kudiniko? Runoti, “Abhurahamu akatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama.” 4Zvino kuno anobata basa, mubayiro haunzi ndowenyasha, asi ndowengava. 5Kunoasingabati, asi anotenda kuna iye anoruramisa munhu asingadi Mwari, kutenda kwake kunonzi kwaari ndiko kururama. 6Sezvinorevawo Dhavhidhi, kuti akaropafadzwa munhu anonzi naMwari akarurama, kunze kwamabasa, 7achiti,
“Vakaropafadzwa vakaregererwa
zvisakarurama zvavo,
Navakafukidzirwa zvivi zvavo;
8Wakaropafadzwa munhu
asinganzi naIshe ane zvivi.”
9Zvino kuropafadzwa uku ndokwavakadzingiswa, kana kwavasinakudzingiswa here? Nokuti tinoti, kuna Abhurahamu, “Kutenda kwake kwakanzi ndiko kururama.” 10Zvino zvakanzarwo seiko? Atodzingiswa, kana asina kudzingiswa here? Hazvina kunzarwo adzingiswa, asi asina kudzingiswa; 11akapiwa chiratidzo chokudzingiswa, kuti chive chisimbiso chokururama kwokutenda, kwaakanga anako asati adzingiswa; kuti ave baba vavose vanotenda, kunyange vasina kudzingiswa, kuti vagonzi vakarurama; 12ave baba vokudzingiswa kuna ivo vasina kudzingiswa bedzi, asi vanofambawo mumakwara okutenda kwababa vedu Abhurahamu, kwavaiva nako vasati vadzingiswa. 13Nokuti chipikirwa chokuti uchava mugari wenhaka yenyika hachina kupiwa Abhurahamu kana rudzi rwake nomurayiro, asi nokururama kwokutenda.
14Nokuti dai vomurayiro vari vagari venhaka, kutenda hakuna maturo, nechipikirwa chinokoneswa; 15nokuti murayiro unouyisa kutsamwa; asi pasina murayiro hapana kudarikawo.
16Saka ndezvokutenda, kuti, zvive zvenyasha; kuti chipikirwa chive nesimba kurudzi rwose; rusati ruri rwomurayiro bedzi, asi norwokutenda kwaAbhurahamuwo, iye baba vedu tose, 17(sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Ndakakuita baba vamarudzi mazhinji”) pamberi paiye waakatenda, iye Mwari anopa vakafa upenyu, nokudana zvisipo sezvinenge zviripo.
18Akatenda netariro pasina tariro, kuti ave baba vamarudzi mazhinji, sezvakanga zvarehwa, zvichinzi, “Rudzi rwako ruchadaro.” 19Haana kushayiwa simba pakutenda, achifunga muviri wake wakanga watofa hawo (zvaaiva namakore anenge zana), nokufa kwechizvaro chaSara; 20akatarira chipikirwa chaMwari, haana kunyunyuta nokusatenda, asi akasimbiswa pakutenda, akakudza Mwari, 21achiziva kwazvo, kuti icho chaakapikira, akanga ane simba rokuchiitawo. 22Saka zvakanzi kwaari, “Ndiko kururama.”
23Zvino hazvina kunyorwa nokuda kwake bedzi, kuti “Zvikanzarwo kwaari;” 24asi nokuda kweduwo; nesu tichanzarwo; iyesu, tinotenda kunoakamutsa Jesu, Ishe wedu, kuvakafa 25iye akaiswa kurufu nokuda kwokudarika kwedu, akamutswa nokuda kwokururamiswa kwedu.
Zvasarudzwa nguva ino
Varoma 4: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002