Zvino tichati Abhurahamu, tateguru vedu panyama, akawaneiko? Nokuti dai Abhurahamu akaruramiswa namabasa ake, angadai ane chinhu chaangazvirumbidza nacho; asi haana pamberi paMwari. Nokuti Rugwaro runoti kudiniko? Runoti, “Abhurahamu akatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama.” Zvino kuno anobata basa, mubayiro haunzi ndowenyasha, asi ndowengava. Kunoasingabati, asi anotenda kuna iye anoruramisa munhu asingadi Mwari, kutenda kwake kunonzi kwaari ndiko kururama. Sezvinorevawo Dhavhidhi, kuti akaropafadzwa munhu anonzi naMwari akarurama, kunze kwamabasa, achiti,
“Vakaropafadzwa vakaregererwa
zvisakarurama zvavo,
Navakafukidzirwa zvivi zvavo;
Wakaropafadzwa munhu
asinganzi naIshe ane zvivi.”
Zvino kuropafadzwa uku ndokwavakadzingiswa, kana kwavasinakudzingiswa here? Nokuti tinoti, kuna Abhurahamu, “Kutenda kwake kwakanzi ndiko kururama.” Zvino zvakanzarwo seiko? Atodzingiswa, kana asina kudzingiswa here? Hazvina kunzarwo adzingiswa, asi asina kudzingiswa; akapiwa chiratidzo chokudzingiswa, kuti chive chisimbiso chokururama kwokutenda, kwaakanga anako asati adzingiswa; kuti ave baba vavose vanotenda, kunyange vasina kudzingiswa, kuti vagonzi vakarurama; ave baba vokudzingiswa kuna ivo vasina kudzingiswa bedzi, asi vanofambawo mumakwara okutenda kwababa vedu Abhurahamu, kwavaiva nako vasati vadzingiswa.