Zvino vachagodana seiko kuna iye, wavasina kutenda kwaari? Vachatenda seiko kuna iye, wavasina kunzwa? Vachanzwa seiko kana kusina muparidzi? Vachaparidza seiko, kana vasingatumwi? Sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko omufaro ezvinhu zvakanaka?” Asi vose havana kuteerera mashoko omufaro. Nokuti Isaya anoti, “Ishe, ndianiko akatenda zvatakaparidza?” Naizvozvo kutenda kunouya nokunzwa, nokunzwa kunouya neshoko raKristu. Asi ndinoti, “Havana kunzwa here? Izwi ravo rakabuda kunyika yose, Namashoko avo kumigumo yenyika.” Asi ndinoti, VaIsiraeri havana kuziva here? Pakutanga Mosesi anoti, “Ndichamutsa godo renyu norudzi rusati ruri rudzi, Ndichamutsa kutsamwa kwenyu norudzi rusinganzwisisi.” NaIsaya, asingatyi, anoti, “Ndakawanikwa navasina kunditsvaka, Ndakaonekwa navasina kundibvunza.” Asi kuvaIsiraeri anoti, “Ndakatambanudzira maoko angu zuva rose kuvanhu vasingateereri, navanokakavara.”
Verenga chikamu Varoma 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Varoma 10:14-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo