VaRoma 10:14-21
VaRoma 10:14-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino, vachagodana seiko kuna iye wavasina kutenda kwaari? Uye vangatenda sei kuna iye wavasina kumbonzwa? Vanganzwa seiko kana kusina anovaparidzira? Uye vangaparidza seiko kana vasina kutumwa? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko akanaka!” Asi havasi vaIsraeri vose vakagamuchira mashoko akanaka. Nokuti Isaya anoti, “Ishe, ndianiko akatenda zvatakaparidza?” Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu. Asi ndinobvunza kuti: Havana kunzwa here? Zvirokwazvo vakanzwa, nokuti: “Inzwi ravo rakasvika kunyika yose, namashoko avo kumigumo yenyika.” Ndinobvunzazve kuti: Israeri haina kunzwa here? Pakutanga Mozisi anoti, “Ndichamutsa godo renyu norudzi rusati rwuri rudzi; ndichamutsa kutsamwa kwenyu norudzi rusinganzwisisi.” Uye Isaya, asingatyi anoti, “Ndakawanikwa navasina kunditsvaka; ndakazviratidza kuna vaya vasina kunditsvaka.” Asi pamusoro peIsraeri anoti, “Zuva rose ndakatambanudza maoko angu kuvanhu vasingateereri, uye vanokakavara.”
VaRoma 10:14-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vachagodana seiko kuna iye, wavasina kutenda kwaari? Vachatenda seiko kuna iye, wavasina kunzwa? Vachanzwa seiko kana kusina muparidzi? Vachaparidza seiko, kana vasingatumwi? Sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko omufaro ezvinhu zvakanaka?” Asi vose havana kuteerera mashoko omufaro. Nokuti Isaya anoti, “Ishe, ndianiko akatenda zvatakaparidza?” Naizvozvo kutenda kunouya nokunzwa, nokunzwa kunouya neshoko raKristu. Asi ndinoti, “Havana kunzwa here? Izwi ravo rakabuda kunyika yose, Namashoko avo kumigumo yenyika.” Asi ndinoti, VaIsiraeri havana kuziva here? Pakutanga Mosesi anoti, “Ndichamutsa godo renyu norudzi rusati ruri rudzi, Ndichamutsa kutsamwa kwenyu norudzi rusinganzwisisi.” NaIsaya, asingatyi, anoti, “Ndakawanikwa navasina kunditsvaka, Ndakaonekwa navasina kundibvunza.” Asi kuvaIsiraeri anoti, “Ndakatambanudzira maoko angu zuva rose kuvanhu vasingateereri, navanokakavara.”
VaRoma 10:14-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino vangadaidze sei kwaari ivo vasina kutenda maari? Uye vachatenda sei maari iye vasina kumbonzwa nezvake? Uye vanganzwe sei ivo vasina muparidzi. Vanhu vangaparidze sei ivo vasina kutumwa sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Hakusi kunaka ikoko, kwakaita tsoka dzavanoparidza Shoko Rakanaka. Asika havasi vose vakateerera Shoko Rakanaka, sezvinotaurwa naIsaya anoti, ‘Tenzi ndiani akatenda zvaakanzwa kwatiri. Saizvozvo chitendero chinobva mune zvatinonzwa. Zvatinonzwa zvinobva mukuparidzwa kwaKristu.’ ” Asi zvandinobvunza ndezvokuti havana kunzwa here? Zvirokwazvo vakanzwa, nokuti izwi ravo rakaenda pasi pose mazwi avo akasvika kwakaperera nyika. Ndinobvunzazve kuti Isiraeri haina kunzwisisa here? Mosesi ndiye anototanga kuti: “Ndichaita kuti muitire shanje vasiri rudzi, mushatirirwe rudzi rusina musoro.” Isaya anoitawo chivindi chokuti ndakawanikwa navavo vasina kunditsvaka ndakazviratidza kune vasina kundibvunza asi nezveIsiraeri anoti, “Zuva rose ndakatambanudzira maoko angu kuna vanhu vasingateereri, vanhu venharo.”
VaRoma 10:14-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋacagoɗana seiko kunaiye, waʋasina‐kutenda kwaari? Ʋacatenda seiko kunaiye, waʋasina‐kunzwa? Ʋacanzwa seiko kana kusinomuparidzi? Ʋacaparidza seiko, kana ʋasiŋgatumŋi? Seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Dzakanaka sei tsoka dzaʋanoʋuya namashoko omufaro eɀinhu ɀakanaka? Asi ʋose haʋana‐kuterera mashoko omufaro. Nokuti Isaya unoti: Ishe, ndianiko wakatenda ɀatakaparidza? Naiɀoɀo kutenda kunoʋuya nokunzwa, nokunzwa kunoʋuya neshoko raKristu. Asi ndinoti: Haʋanakunzwa here? Hoŋo, ɀirokwaɀo, Inzwi raʋo rakaɓuɗa kunyika yose, Namashoko aʋo kumigumo yenyika. Asi ndinoti: ƲaIsraeri haʋana‐kuziʋa here? Pakutaŋga Mosesi unoti: Ndicamutsa goɗo renyu norudzi rusati ruri rudzi, Ndicamutsa kutsamŋa kwenyu norudzi rusiŋganzwisisi. NaIsaya, asiŋgatyi, unoti: Ndakawanikwa naʋasina‐kunditȿaka, Ndakaʋonekwa naʋasina‐kundibvunza. Asi kuʋaIsraeri unoti: Ndakatambanudzira maʋoko aŋgu zuʋa rose kuʋanhu ʋasiŋgatereri, naʋanokakaʋara.
VaRoma 10:14-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)