Zvakazarurwa 3
3
Tsamba kukereke iri paSadhisi
1“Nyorera mutumwa wekereke iri paSadhisi uti:
“Zvanzi naiye ane mweya minomwe yaMwari, nenyeredzi nomwe: Ndinoziva mabasa ako, kuti unonzi uri mupenyu, asi wakafa. 2Pepuka, usimbise izvo zvakasara, zvakanga zvoda kufa; nokuti handina kuwana mabasa ako ari akakwana pamberi paMwari wangu.
3“Naizvozvo rangarira kuti wakagamuchira nokunzwa sei; uzvichengete, utendeuke. Naizvozvo kana usingapepuki, ndichauya sembavha, haungazivi nguva yandichakuwira nayo. 4Asi unamazita mashoma paSadhisi avanhu vasina kusvibisa nguo dzavo; vachafamba neni vane nguo chena, nokuti vakafanirwa nazvo. 5Anokunda, achapfekedzwa saizvozvo nguo chena; handingatongodzimi zita rake pabhuku youpenyu, ndichapupura zita rake pamberi paBaba vangu, napamberi pavatumwa vake.
6“Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.
Tsamba kukereke iri paFiradherifia
7“Nyorera mutumwa wekereke iri paFiradherifia, uti:
“Zvanzi naiye mutsvene, iye wechokwadi, iye ane kiyi yaDhavhidhi, iye anoti kana achizarura, hakuna anopfiga, kana achipfiga, hakuna anozarura: 8Ndinoziva mabasa ako, (tarira, ndakaisa pamberi pako musuo wakazaruka, hakuna angagona kuupfiga), ndinoziva kuti une simba shoma hako; wakachengeta shoko rangu, ukasaramba zita rangu. 9Tarira ndinokupa vamwe vari vesinagoge raSatani, vanoti, tiri vaJudha, vasi ivo chaivo, asi vanoreva nhema; tarira, ndichavauyisa kuti vanamate pamberi petsoka dzako, uye vazive kuti ndakakuda. 10Zvawakachengeta shoko rokutsungirira kwangu, ndichakuchengetawo panguva yokuedzwa yoda kuuya panyika yose, kuedza vanogara panyika. 11Ndinokurumidza kuuya; batisisa icho chaunacho, kuti urege kutorerwa korona yako. 12Anokunda ndichamuita mbiru mutemberi yaMwari wangu, haangazobudimozve; ndichanyora pamusoro pake zita raMwari wangu, nezita reguta raMwari wangu, Jerusaremu idzva rinoburuka kudenga kuna Mwari wangu, nezita rangu idzva.
13“Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.
Tsamba kukereke iri paRaodhikia
14“Nyorera mutumwa wekereke iri paRaodhikia, uti:
“Zvanzi naAmeni, chapupu chakatendeka, chechokwadi, kutanga kwezvisikwa zvaMwari: 15Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori kana kupisa. Dai uchitonhora kana kupisa. 16Zvino zvaunodziya, usingatonhori kana kupisa, ndichakusvisvina mumuromo mangu.
17“Nokuti unoti, ‘Ndakapfuma, ndakapfumiswa; handishayiwi chinhu;’ usingazivi, kuti ndiwe uno urombo nenhamo, uri murombo nebofu usina chokufuka.
18“Ndinokupa zano kuti utenge kwandiri ndarama yakaedzwa mumoto, kuti uve nepfuma, nenguo chena, kuti ufukidze; nyadzi dzokusafuka kwako dzirege kuonekwa; nechizoro chameso, kuti uzore meso ako, uone. 19Vose vandinoda ndinovaranga nokuvarova; naizvozvo shingaira utendeuke. 20Tarira, ndimire pasuo, ndichigogodza; kana munhu akanzwa izwi rangu, akazarura musuo, ndichapinda kwaari, ndicharayira naye, naiye neni. 21Anokunda ndichamupa chinhu ichi, kuti agare neni pachigaro changu choushe, seniwo ndakakunda, ndikagara pamwechete naBaba vangu pachigaro chavo choushe.
22“Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.”
Zvasarudzwa nguva ino
Zvakazarurwa 3: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002