1
Zvakazarurwa 3:20
Shona Bible 1949, revised 2002
Tarira, ndimire pasuo, ndichigogodza; kana munhu akanzwa izwi rangu, akazarura musuo, ndichapinda kwaari, ndicharayira naye, naiye neni.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Zvakazarurwa 3:15-16
Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori kana kupisa. Dai uchitonhora kana kupisa. Zvino zvaunodziya, usingatonhori kana kupisa, ndichakusvisvina mumuromo mangu.
3
Zvakazarurwa 3:19
Vose vandinoda ndinovaranga nokuvarova; naizvozvo shingaira utendeuke.
4
Zvakazarurwa 3:8
Ndinoziva mabasa ako, (tarira, ndakaisa pamberi pako musuo wakazaruka, hakuna angagona kuupfiga), ndinoziva kuti une simba shoma hako; wakachengeta shoko rangu, ukasaramba zita rangu.
5
Zvakazarurwa 3:21
Anokunda ndichamupa chinhu ichi, kuti agare neni pachigaro changu choushe, seniwo ndakakunda, ndikagara pamwechete naBaba vangu pachigaro chavo choushe.
6
Zvakazarurwa 3:17
“Nokuti unoti, ‘Ndakapfuma, ndakapfumiswa; handishayiwi chinhu;’ usingazivi, kuti ndiwe uno urombo nenhamo, uri murombo nebofu usina chokufuka.
7
Zvakazarurwa 3:10
Zvawakachengeta shoko rokutsungirira kwangu, ndichakuchengetawo panguva yokuedzwa yoda kuuya panyika yose, kuedza vanogara panyika.
8
Zvakazarurwa 3:11
Ndinokurumidza kuuya; batisisa icho chaunacho, kuti urege kutorerwa korona yako.
9
Zvakazarurwa 3:2
Pepuka, usimbise izvo zvakasara, zvakanga zvoda kufa; nokuti handina kuwana mabasa ako ari akakwana pamberi paMwari wangu.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo