Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 22

22
Rwizi rwoupenyu
1Zvino akandiratidza rwizi rwemvura youpenyu, yakapenya sekirisitaro, inobuda pachigaro choushe chaMwari necheGwayana, 2pakati penzira yaro. Kumativi maviri orwizi kwakanga kunomuti woupenyu, unobereka michero yamarudzi ane gumi namaviri, uchiita michero yaro mwedzi mumwe nomumwe; namashizha omuti aiva mushonga wokuporesa ndudzi. 3Hakuchavi nechinhu chakatukwa; chigaro choushe chaMwari necheGwayana chichava mukati maro; varanda vake vachamushumira; vachaona chiso chake; 4uye zita rake richava pahuma dzavo. 5Usiku hahuchazovepo; havatsvaki chiedza chomwenje, kana chiedza chezuva; nokuti Ishe Mwari achavavhenekera; vachabata ushe nokusingaperi-peri.
Mashoko okupedzisira
6Zvino akati kwandiri, “Mashoko awa angatendwe, ndeechokwadi; Ishe, Mwari wemweya yavaporofita wakatuma mutumwa wake kuti aratidze varanda vake zvinhu zvoda kuitwa.”
7Tarirai, ndokurumidza kuuya; anochengeta mashoko okuporofita kwebhuku iri akaropafadzwa.
8Ini Johani, ndini ndakanzwa, ndikaona izvozvi. Zvino ndakati ndichinzwa, nokuona, ndikawira pasi kuti ndinamate pamberi petsoka dzomutumwa akandiratidza izvozvi. 9Akati kwandiri, “Rega kudaro; ndiri muranda pamwechete newe, nehama dzako, vaporofita, navanochengeta mashoko ebhuku iyi; namata Mwari.”
10Ipapo akati kwandiri, “Usazarira mashoko okuporofita kwebhuku iri, nokuti nguva yava pedyo. 11Asina kururama ngaarambe achiita zvisakarurama; mutsvene ngaarambe achiitwa mutsvene.”
12“Tarirai, ndinokurumidza kuuya; mubayiro wangu ndinawo, kuti ndipe mumwe nomumwe sezvaakabata. 13Ndini Arifa neOmega, wokutanga nowokupedzisira, kutanga nokuguma.”
14Vanosuka nguo dzavo vakaropafadzwa, kuti vave nesimba rokuuya kumuti woupenyu, vapinde napamasuo eguta. 15Kunze ndiko kune imbwa, navaroyi, nemhombwe, navaurayi, navanonamata zvifananidzo, navose vanoda nhema vachidziita.
16“Ini Jesu, ndakatuma mutumwa wangu, kuti akupupurirei izvozvi pakereke. Ndini mudzi worudzi rwaDhavhidhi, nyamatsatse inopenya.”
17Mweya nomwenga vanoti, “Uya!” Naiye anonzwa ngaati, “Uya!” Ane nyota ngaauye. Anoda ngaatore mvura yohupenyu asingatengwi.
18Ndinopupurira mumwe nomumwe anonzwa mashoko okuporofita kwebhuku iri, ndichiti: Kana munhu akawedzera pazvinhu izvi, Mwari achawedzera kwaari madambudziko akanyorwa mubhuku iri; 19kana munhu akabvisa mashoko ebhuku yokuporofita uku, Mwari uchabvisa mugove wake pamuti woupenyu, nomuguta dzvene, napazvinhu zvakanyorwa mubhuku iri.
20Iye anopupura izvozvi anoti, “Hongu, ndinokurumidza kuuya.” Ameni, uyai, Ishe Jesu.
21Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive navose. Ameni.

Zvasarudzwa nguva ino

Zvakazarurwa 22: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda