“Nyorera mutumwa wekereke iri paPerigamo, uti:
“Zvanzi naiye anomunondo, unopinza, unocheka kwose: Ndinoziva paunogara, ndipo pane chigaro choushe chaSatani; wakabatisisa zita rangu, ukasaramba kutenda kwangu, kunyange napamazuva aAndipasi, chapupu changu, munhu wangu akatendeka, akaurawa pakati penyu, apo panogara Satani. Asi handifari nezvimwe zvinhu zvishoma kwauri, nokuti unavamwepo vanobatisisa dzidziso yaBharami, akadzidzisa Bharaki kuisa chigumbuso pamberi pavana vaIsiraeri, nokuti vadye zvakabayirwa zvifananidzo, nokuita upombwe. Nokudaro una vamwewo vanobatisisa saizvozvo dzidziso yavaNikoraiti. Naizvozvo tendeuka; kana usingaiti saizvozvo, ndichakurumidza kuuya kwauri, ndigorwa navo nomunondo womuromo wangu.
“Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Anokunda, ndichamupa mana yakavanzika, uye ndichamupa ibwe jena, napabwe iro zita idzva rakanyorwapo, risingazikanwi nomunhu, asi naiye anoripiwa.
“Nyorera mutumwa wekereke iri paTiatira uti,
“Zvanzi noMwanakomana waMwari, ana meso akafanana nomurazvo womoto, netsoka dzake dzakaita sesafuri inopenya: Ndinoziva mabasa ako, norudo, nokutenda, nokushumira, nokutsungirira kwako, uye kuti mabasa ako okupedzisira anopfuura okutanga.
“Asi handifari nechinhu ichi kwauri, kuti unotendera uya mukadzi Jesabheri, anozviidza muporofitakadzi, uye anodzidzisa nokutsausa varanda vangu, kuti vaite upombwe, nokudya zvakabayirwa zvifananidzo. Ndakamupa nguva kuti atendeuke; akaramba kutendeuka pakufeva kwake. Tarira, ndoda kumukandira panhoo; navanoita upombwe naye panhamo huru, kana vasingatendeuki pamabasa avo. Navana vake ndichavauraya norufu; nekereke dzose dzichaziva kuti ndini ndinonzvera itsvo nemwoyo, ndichapa mumwe nomumwe wenyu paakabata napo. Asi kwamuri, imi makasara paTiatira, vose vasina dzidziso iyi, vasingazivi izvo zvavanoti, ‘Zvakadzika zvaSatani,’ ndinoti kwamuri: Handingakutakudziyi mumwe mutoro. Asi batisai izvo zvamunazvo kusvikira ndichiuya.
“Anokunda achichengeta mabasa angu kusvikira pakupedzisira, ndichamupa simba pamusoro pamarudzi; achaafudza netsvimbo yedare, nehari dzomuumbi dzinoputsanyiwa; sezvandakapiwawo naBaba vangu. Uye ndichamupa nyamatsatsi. Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.