Zvakazarurwa 2:12-29
Zvakazarurwa 2:12-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Kumutumwa wekereke iri muPegamo nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye ano munondo unopinza, unocheka kumativi ose. Ndinoziva paunogara, pachigaro choushe chaSatani. Asi wakaramba wakatendeka kuzita rangu. Hauna kuramba kutenda kwako kwandiri, kunyange mumazuva aAndipasi, chapupu changu chakatendeka, uyo akaurayiwa muguta renyu, munogara Satani. Kunyange zvakadaro, ndine zvinhu zvishoma zvandinovenga pauri: Una vanhu ipapo vanobatisisa dzidziso yaBharamu, uyo akadzidzisa Bharaki kuti anyengere vaIsraeri kuti vatadze vachidya zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo uye nokuita upombwe. Saizvozvowo, una vamwe vanobatirira kudzidziso yavaNikoraiti. Naizvozvo, tendeuka! Zvikasadaro, ndichakurumidza kuuya kuzovarwisa nomunondo womuromo wangu. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Kuno uyo anokunda, ndichamupa imwe mana yakavanzika. Ndichamupawo ibwe jena rine zita idzva rakanyorwa pariri, rinongozivikanwa naiye anorigamuchira. “Kumutumwa wekereke iri muTiatira nyora kuti: Aya ndiwo mashoko oMwanakomana waMwari, ane meso anenge murazvo womoto uye ane tsoka dzinopenya sendarira. Ndinoziva mabasa ako, rudo rwako nokutenda kwako, kushumira kwako uye nokutsungirira kwako, uye kuti iye zvino uri kuita zvinopfuura zvawakaita pakutanga. Kunyange zvakadaro, ndine mhosva iyi newe: Uri kutendera mukadzi uya Jezebheri, anozviti muprofitakadzi. Nokudzidzisa kwake anotsausa varanda vangu kuti vaite upombwe uye kuti vadye zvakabayirwa kuzvifananidzo. Ndakamupa nguva yokutendeuka paupombwe hwake, asi haana kutendeuka. Saka ndichamuisa panhoo yokutambudzika, uye ndichaita kuti vaya vaiita upombwe naye vatambudzike zvikuru, kana vakasatendeuka munzira dzavo. Ndicharova vana vake norufu. Ipapo kereke dzose dzichaziva kuti ndini iye anonzvera mwoyo nendangariro, uye ndichatsiva mumwe nomumwe wenyu zvinoenderana namabasa ake. Zvino ndinoti kwamuri mose imi muri paTiatira, kunemi vasingabatiriri padzidziso yake uye vasina kudzidza zvinonzi zvakavanzika zvaSatani (handichazoisi mimwe mitoro pamusoro penyu): Batisisai chete icho chamunacho kusvikira ndauya. Kuno uya anokunda uye achiita kuda kwangu kusvikira pakuguma, ndichamupa simba pamusoro pendudzi: ‘Achavatonga netsvimbo yesimbi; achavaputsa-putsa sezvaenga zvehari’, sokugamuchira kwandakaita simba kubva kuna Baba vangu. Ndichamupawo nyeredzi yamangwanani. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe, zvinoreva Mweya kukereke.
Zvakazarurwa 2:12-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Nyorera mutumwa wekereke iri paPerigamo, uti: “Zvanzi naiye anomunondo, unopinza, unocheka kwose: Ndinoziva paunogara, ndipo pane chigaro choushe chaSatani; wakabatisisa zita rangu, ukasaramba kutenda kwangu, kunyange napamazuva aAndipasi, chapupu changu, munhu wangu akatendeka, akaurawa pakati penyu, apo panogara Satani. Asi handifari nezvimwe zvinhu zvishoma kwauri, nokuti unavamwepo vanobatisisa dzidziso yaBharami, akadzidzisa Bharaki kuisa chigumbuso pamberi pavana vaIsiraeri, nokuti vadye zvakabayirwa zvifananidzo, nokuita upombwe. Nokudaro una vamwewo vanobatisisa saizvozvo dzidziso yavaNikoraiti. Naizvozvo tendeuka; kana usingaiti saizvozvo, ndichakurumidza kuuya kwauri, ndigorwa navo nomunondo womuromo wangu. “Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Anokunda, ndichamupa mana yakavanzika, uye ndichamupa ibwe jena, napabwe iro zita idzva rakanyorwapo, risingazikanwi nomunhu, asi naiye anoripiwa. “Nyorera mutumwa wekereke iri paTiatira uti, “Zvanzi noMwanakomana waMwari, ana meso akafanana nomurazvo womoto, netsoka dzake dzakaita sesafuri inopenya: Ndinoziva mabasa ako, norudo, nokutenda, nokushumira, nokutsungirira kwako, uye kuti mabasa ako okupedzisira anopfuura okutanga. “Asi handifari nechinhu ichi kwauri, kuti unotendera uya mukadzi Jesabheri, anozviidza muporofitakadzi, uye anodzidzisa nokutsausa varanda vangu, kuti vaite upombwe, nokudya zvakabayirwa zvifananidzo. Ndakamupa nguva kuti atendeuke; akaramba kutendeuka pakufeva kwake. Tarira, ndoda kumukandira panhoo; navanoita upombwe naye panhamo huru, kana vasingatendeuki pamabasa avo. Navana vake ndichavauraya norufu; nekereke dzose dzichaziva kuti ndini ndinonzvera itsvo nemwoyo, ndichapa mumwe nomumwe wenyu paakabata napo. Asi kwamuri, imi makasara paTiatira, vose vasina dzidziso iyi, vasingazivi izvo zvavanoti, ‘Zvakadzika zvaSatani,’ ndinoti kwamuri: Handingakutakudziyi mumwe mutoro. Asi batisai izvo zvamunazvo kusvikira ndichiuya. “Anokunda achichengeta mabasa angu kusvikira pakupedzisira, ndichamupa simba pamusoro pamarudzi; achaafudza netsvimbo yedare, nehari dzomuumbi dzinoputsanyiwa; sezvandakapiwawo naBaba vangu. Uye ndichamupa nyamatsatsi. Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.
Zvakazarurwa 2:12-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Nyorera mutumwa wesangano rokuPerigamumu mazwi ouyo ane bakatwa romucheka kose uti, ‘Maunogara ndinomuziva, mumuzinda waSatani wakaramba wakangoti kwati–kwati nezita rangu. Hauna kukanda pasi chitendero changu kunyange pamazuva aAntipasi mupupuriri wangu. Munhu wangu akatendeka, uya akauraiwa pakati penyu mumusha imomo maSatani.’ Asi ndine zvimwe zvishomanana zvandisingadi pauri. Ikoko muna vamwe vanotevera chidzidziso chaBharamu akarairidza Bharaki kufurira vaIsiraeri kuchitadzo kuti vadye chokudya chakanga chapirwa kuzvifanananidzo uye kuita unzenza. Uyezve una vamwe vanotevera zvidzidziso zvevekwaNikoraitesi. Nezvo pinduka; pasina izvozvo, ndichakuvinga ndizovarwisa nebakatwa romuromo wangu. Ane nzeve ngaanzwe zviri kutaurwa naMweya kumasangano. Uyo anokunda ndichamupa imwe mana yakavanzika. Ndichamupawo dombo jena nezita idzva rakanyorwa padombo iroro, zita risina anoriziva, kusiya iyeyo chete anenge arigamuchira. “Nyorera mutumwa wesangano rokuTiatira mazwi oMwanakomana waMwari ana maziso anenge rimi romoto anamakumbo akaita sendarira yakakwenenzverwa. Ndinoziva mabasa ako norudo rwako nechitendero chako nokushanda kwako nokutirira kwako uye kuti mabasa ako okupedzisa anokunda okutanga. Asi chandisingadi pauri ndechichi chokuti unoregerera mukadzi uyu Jezebhero anozviti muporofitakadzi asi achidzidzisa nokufurira varanda vangu kuita ufeve nokudya chokudya chakapirwa kuzvifananidzo. Ndakamupa nguva yokuti apinduke asi ari kuramba kusiyana nounzenza hwake. Ndichamurarisa pasi nedenda, naavo vanoita ufeve naye ndichavapinza mudambudziko rinorwadza kusatoti vasiyana nezviito zvake. Vana vake ndichavaparadza norufu. Masangano ose ndipo paachaziva kuti ndini ndinoongorora pfungwa nemwoyo womunhu uye ndichakupai, mumwe nomumwe wenyu, maererano nezviito zvake. Asi kunemi vamwe mose muri muTiatira imomo, vasingatenderani nechidzidziso ichi, vasina kudzidza zvinonzi navanhu zvakadzama zvaSatani, ndinoti kwamuri ini handichakuremedzai nomumwe mutoro asi kuti batisisai zvamuinazvo kusvikira ndauya. Uyo anokunda uye anoramba ari pabasa rangu kusvikira pakupedzisira, ndichaita kuti vechirudzi vave mumaoko ake. Iye achavatonga akavabatira shamhu yesimbi achivapwanya zvokuti mwarara sehari dzevhu sokugamuchira kwandakaitawo simba kubva kuna Baba vangu. Uye ndichamupa nyenyedzi yorungwanani. Ane nzeve ngaanzwe zviri kurehwa naMweya kumasangano.”
Zvakazarurwa 2:12-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nyorera mutumŋa wekereke iri paPergamo, uti: Ɀanzi naiye unomunondo, unopinza, unoceka kwose: Ndinoziʋa paunogara, ndi’po panecigaro coʋushe caSatani; wakaɓatisisa zita raŋgu, ukasaramba kutenda kwaŋgu, kunyaŋge napamazuʋa aAntipasi, capupu caŋgu, munhu waŋgu wakatendeka, wakaʋurawa pakati penyu, apo panogara Satani. Asi handifari neɀimŋe ɀinhu ɀishoma kwauri, nokuti unaʋamŋe’po ʋanoɓatisisa dzidziso yaBarami, wakadzidzisa Baraki kuisa cigumbuso pamberi paʋana ʋaIsraeri, cokuti ʋadye ɀakaɓayirwa ɀifananidzo, nokuita ʋupombge. Nokuɗaro unaʋamŋe ʋo ʋanoɓatisisa saiɀoɀo dzidziso yaʋaNikoraiti. Naiɀoɀo tendeʋuka; kana usiŋgaiti saiɀoɀo, ndicakurumidza kuʋuya kwauri, ndigorwa naʋo nomunondo womuromo waŋgu. Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke. Unokunda, ndicamupa mana yakaʋanzika, ʋuye ndicamupa ibge jena, napabge iro zita idɀa rakanyorwa’po, risiŋgazikanwi nomunhu, asi naiye unoripiwa. Nyorera mutumŋa wekereke iri paTiatira, uti: Ɀanzi noMŋanakomana waMŋari, unameso akafanana nomuraɀo womŋoto, netsoka dzake dzakaita sesafuri inopenya: Ndinoziʋa maɓasa ako, noruɗo, nokutenda, nokushumira, nokutsuŋgirira kwako, ʋuye kuti maɓasa ako okupedzisira anopfuʋura okutaŋga. Asi handifari necinhu ici kwauri, kuti unotendera uya mukadzi Jesaberi, unoɀiidza muprofitakadzi, ʋuye unodzidzisa nokutsausa ʋaranda ʋaŋgu, kuti ʋaite ʋupombge, nokudya ɀakaɓayirwa ɀifananidzo. Ndakamupa ŋguʋa kuti atendeʋuke; akaramba kutendeʋuka pakufeʋa kwake. Tarira, ndoɗa kumukandira panhoʋo, naʋanoita ʋupombge naye panhamo huru, kana ʋasiŋgatendeʋuki pamaɓasa ake. Naʋana ʋake ndicaʋaʋuraya norufu; nekereke dzose dzicaziʋa kuti ndini ndinonɀera itȿo nemŋoyo; ndicapa mumŋe nomumŋe wenyu paakaɓata napo. Asi kwamuri, imi makasara paTiatira, ʋose ʋasinedzidziso iyi, ʋasiŋgaziʋi iɀo ɀaʋanoti ɀakadzika ɀaSatani, ndinoti kwamuri: Handiŋgakutakudziyi mumŋe mutoro. Asi ɓatisai iɀo ɀamunaɀo kuȿikira ndiciʋuya. Unokunda aciceŋgeta maɓasa aŋgu kuȿikira pakupedzisira, ndicamupa simba pamsoro pamarudzi; ucaafudza netȿimbo yeɗare, sehari dzomuʋumbi dzinoputsanyiwa; seɀandakapiwa ʋo naƂaɓa ʋaŋgu. Ʋuye ndicamupa nyamasase. Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke.
Zvakazarurwa 2:12-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)