Nyorera mutumŋa wekereke iri paPergamo, uti:
Ɀanzi naiye unomunondo, unopinza, unoceka kwose: Ndinoziʋa paunogara, ndi’po panecigaro coʋushe caSatani; wakaɓatisisa zita raŋgu, ukasaramba kutenda kwaŋgu, kunyaŋge napamazuʋa aAntipasi, capupu caŋgu, munhu waŋgu wakatendeka, wakaʋurawa pakati penyu, apo panogara Satani. Asi handifari neɀimŋe ɀinhu ɀishoma kwauri, nokuti unaʋamŋe’po ʋanoɓatisisa dzidziso yaBarami, wakadzidzisa Baraki kuisa cigumbuso pamberi paʋana ʋaIsraeri, cokuti ʋadye ɀakaɓayirwa ɀifananidzo, nokuita ʋupombge. Nokuɗaro unaʋamŋe ʋo ʋanoɓatisisa saiɀoɀo dzidziso yaʋaNikoraiti. Naiɀoɀo tendeʋuka; kana usiŋgaiti saiɀoɀo, ndicakurumidza kuʋuya kwauri, ndigorwa naʋo nomunondo womuromo waŋgu. Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke. Unokunda, ndicamupa mana yakaʋanzika, ʋuye ndicamupa ibge jena, napabge iro zita idɀa rakanyorwa’po, risiŋgazikanwi nomunhu, asi naiye unoripiwa.
Nyorera mutumŋa wekereke iri paTiatira, uti:
Ɀanzi noMŋanakomana waMŋari, unameso akafanana nomuraɀo womŋoto, netsoka dzake dzakaita sesafuri inopenya: Ndinoziʋa maɓasa ako, noruɗo, nokutenda, nokushumira, nokutsuŋgirira kwako, ʋuye kuti maɓasa ako okupedzisira anopfuʋura okutaŋga. Asi handifari necinhu ici kwauri, kuti unotendera uya mukadzi Jesaberi, unoɀiidza muprofitakadzi, ʋuye unodzidzisa nokutsausa ʋaranda ʋaŋgu, kuti ʋaite ʋupombge, nokudya ɀakaɓayirwa ɀifananidzo. Ndakamupa ŋguʋa kuti atendeʋuke; akaramba kutendeʋuka pakufeʋa kwake. Tarira, ndoɗa kumukandira panhoʋo, naʋanoita ʋupombge naye panhamo huru, kana ʋasiŋgatendeʋuki pamaɓasa ake. Naʋana ʋake ndicaʋaʋuraya norufu; nekereke dzose dzicaziʋa kuti ndini ndinonɀera itȿo nemŋoyo; ndicapa mumŋe nomumŋe wenyu paakaɓata napo. Asi kwamuri, imi makasara paTiatira, ʋose ʋasinedzidziso iyi, ʋasiŋgaziʋi iɀo ɀaʋanoti ɀakadzika ɀaSatani, ndinoti kwamuri: Handiŋgakutakudziyi mumŋe mutoro. Asi ɓatisai iɀo ɀamunaɀo kuȿikira ndiciʋuya. Unokunda aciceŋgeta maɓasa aŋgu kuȿikira pakupedzisira, ndicamupa simba pamsoro pamarudzi; ucaafudza netȿimbo yeɗare, sehari dzomuʋumbi dzinoputsanyiwa; seɀandakapiwa ʋo naƂaɓa ʋaŋgu. Ʋuye ndicamupa nyamasase. Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke.