“Nyorera mutumwa wekereke iri paEfeso, uti: “Zvanzi naiye akabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi, anofamba pakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama: Ndinoziva mabasa ako, nokutambudzika kwako, nokutsungirira kwako, uye kuti haudi kuonana navanhu vakaipa; wakavaedza ivo vanoti, tiri vapostori, vasi ivo chaivo, ukavawana vari venhema; ukatsungirira nokuva nomwoyo murefu nokuda kwezita rangu, ukasaneta. Asi handifari nechinhu ichi kwauri, kuti wakasiya rudo rwako rwokutanga. Naizvozvo rangarira pawakawa, utendeuke, ugoita mabasa ako okutanga; kana usingaiti saizvozvo, ndichauya kwauri; ndikabvisa chigadziko chako chomwenje panzvimbo yacho, kana usingatendeuki. Asi chinhu ichi unacho, kuti unovenga mabasa avaNikoraiti, andinovenga neniwo. “Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke; anokunda, ndichamutendera kuti adye muti woupenyu, uri muParadhiso yaMwari.
Verenga chikamu Zvakazarurwa 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvakazarurwa 2:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo