Zvakazarurwa 2:1-7
Zvakazarurwa 2:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Kumutumwa wekereke iri muEfeso nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye akabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi anofamba pakati pezvigadziko zvinomwe zvemwenje. Ndinoziva mabasa ako, kubata kwako nesimba uye nokutsungirira kwako. Ndinoziva kuti haudi kuonana navanhu vakaipa, uye kuti wakaedza avo vanozviti vapostori asi vasiri ivo, uye ukavawana vari venhema. Wakatsungirira ukava nomwoyo murefu pakutambudzika nokuda kwezita rangu, uye ukasaneta. Asi ndine mhosva iyi newe: Wakasiya rudo rwako rwokutanga. Rangarira pawakawa! Tendeuka uite zvinhu zvawakanga uchiita pakutanga. Kana usingatendeuki, ndichauya kwauri ndigobvisa chigadziko chako chomwenje panzvimbo yacho. Asi chinhu ichi unacho: Unovenga mabasa avaNikoraiti, andinovenga neniwo. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Kuno uyo anokunda, ndichamutendera kuti adye zvinobva pamuti woupenyu, uri muparadhiso yaMwari.
Zvakazarurwa 2:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Nyorera mutumwa wekereke iri paEfeso, uti: “Zvanzi naiye akabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi, anofamba pakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama: Ndinoziva mabasa ako, nokutambudzika kwako, nokutsungirira kwako, uye kuti haudi kuonana navanhu vakaipa; wakavaedza ivo vanoti, tiri vapostori, vasi ivo chaivo, ukavawana vari venhema; ukatsungirira nokuva nomwoyo murefu nokuda kwezita rangu, ukasaneta. Asi handifari nechinhu ichi kwauri, kuti wakasiya rudo rwako rwokutanga. Naizvozvo rangarira pawakawa, utendeuke, ugoita mabasa ako okutanga; kana usingaiti saizvozvo, ndichauya kwauri; ndikabvisa chigadziko chako chomwenje panzvimbo yacho, kana usingatendeuki. Asi chinhu ichi unacho, kuti unovenga mabasa avaNikoraiti, andinovenga neniwo. “Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke; anokunda, ndichamutendera kuti adye muti woupenyu, uri muParadhiso yaMwari.
Zvakazarurwa 2:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Nyorera mutumwa wesangano rokuEfesusi, mazwi ouyo akabata nyenyedzi nomwe muruoko rwake rworudyi uye anofamba mukati mezvigadzikiro zvomwenje zvinomwe zvendarama uti: “ ‘Ndinoziva mabasa ako ndinozivawo kushingaira kwako nebasa nokutirira kwako uye kuti haufarirani navanhu vakaipa. Wakaedza avo vanozviti vapositori ivo vasiri ukavaona kuti ndevenhema. Ndinoziva kuti uri kutirira chinyararire, uchitirira zvako pamusana pezita rangu uye usingamboneta. Asi chandinovenga mauri ndechichi, chokuti wakakanda pasi rudo rwawaiva narwo pakutanga. Naizvozvo rangarira pawakakoromoka upinduke uite mabasa awaiita pakutanga. Kana usina kuita saizvozvo, ndichauya kwauri ndigobvisa chigadzikiro chomwenje wako panzvimbo pacho kusatoti watendeuka. Zvimwe zvimwewo zvazvo, chako chaunacho ndechokuti unovenga mabasa avateveri vaNikoraitesi andinovengawo uyo ane nzeve ngaanzwe zviri kurehwa naMweya kumasangano. Uyo anokunda ndichamupa mvumo yokudya muti woupenyu uri muparadhiso yaMwari.’
Zvakazarurwa 2:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nyorera mutumŋa wekereke iri paEfeso, uti: Ɀanzi naiye wakaɓata nyeredzi nomŋe muruʋoko rwake rworudyi, unofamba pakati peɀigadziko ɀemŋenje ɀinomŋe ɀendarama: Ndinoziʋa maɓasa ako, nokutambudzika kwako, nokutsuŋgirira kwako, ʋuye kuti hauɗi kuʋonana naʋanhu ʋakaipa; wakaʋaidza iʋo ʋanoti, tiri ʋaapostora, ʋasi iʋo caiʋo, ukaʋawana ʋari ʋenhema; ukatsuŋgirira nokuʋa nomŋoyo murefu nokuɗa kwezita raŋgu, ukasaneta. Asi handifari necinhu ici kwauri, kuti wakasiya ruɗo rwako rwokutaŋga. Naiɀoɀo raŋgarira pawakawa, utendeʋuke, ugoita maɓasa ako okutaŋga; kana usiŋgaiti saiɀoɀo, ndicaʋuya kwauri, ndikabvisa cigadziko cako comŋenje panɀimbo yaco, kana usiŋgatendeʋuki. Asi cinhu ici unaco, kuti unoʋeŋga maɓasa aʋaNikoraiti, andinoʋeŋga neni ʋo. Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke; unokunda, ndicamutendera kuti adye muti woʋupenyu, uri muParadiso yaMŋari.
Zvakazarurwa 2:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)