Shure kwaizvozvo ndakanzwa izwi guru seravazhinji-zhinji kudenga, richiti, “Hareruya! Ruponeso, nokubwinya, nesimba ndezvaMwari wedu; nokuti kutonga kwake ndokwechokwadi kwakarurama; nokuti akatonga mhombwe huru yakaodza nyika noupombwe hwayo, akatsiva ropa ravaranda vake paruoko rwayo.” Ipapo vakapamhidza, vachiti, “Hareruya! Hutsi hwayo hunokwira nokusingaperi-peri.” Zvino Vakuru vana makumi maviri navana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawira pasi vakanamata Mwari akanga agere pachigaro choushe, vakati, “Ameni, Hareruya!” Izwi rikabva pachigaro choushe, richiti, “Rumbidzai Mwari, imi mose varanda vake, imi munomutya, vaduku navakuru.” Ipapo ndakanzwa sezwi ravazhinji-zhinji, sezwi remvura zhinji, sezwi rokutinhira kukuru, richiti, “Hareruya! Nokuti Ishe Mwari wedu waMasimbaose anobata ushe.
Verenga chikamu Zvakazarurwa 19
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvakazarurwa 19:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo