Zvakazarurwa 19:1-6
Zvakazarurwa 19:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwaizvozvi, ndakanzwa inzwi kudenga rakaita sokutinhira wavazhinji zhinji richiti: “Hareruya! Ruponeso nokubwinya nesimba ndezvaMwari wedu, nokuti kutonga kwake ndokwechokwadi uye kunoruramisira. Akatonga chifeve chikuru chakaodza nyika noupombwe hwacho. Akatsiva paari ropa ravaranda vake.” Uyezve vakadanidzira vachiti: “Hareruya! Utsi hunobuda maari hunokwira nokusingaperi-peri.” Vakuru makumi maviri navana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawira pasi vakanamata Mwari, akanga agere pachigaro choushe. Uye vakadanidzira vachiti: “Ameni, Hareruya!” Ipapo inzwi rakabva pachigaro choushe, richiti: “Rumbidzai Mwari wedu, imi varanda vake mose, imi munomutya, mose vaduku navakuru!” Ipapo ndakanzwa zvakanga zvichiita savazhinji zhinji, somumvumo wemvura zhinji uye senzwi guru rokutinhira kwemabhananʼana, richiti: “Hareruya! Nokuti Ishe Mwari wedu Wamasimba Ose anotonga.
Zvakazarurwa 19:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shure kwaizvozvo ndakanzwa izwi guru seravazhinji-zhinji kudenga, richiti, “Hareruya! Ruponeso, nokubwinya, nesimba ndezvaMwari wedu; nokuti kutonga kwake ndokwechokwadi kwakarurama; nokuti akatonga mhombwe huru yakaodza nyika noupombwe hwayo, akatsiva ropa ravaranda vake paruoko rwayo.” Ipapo vakapamhidza, vachiti, “Hareruya! Hutsi hwayo hunokwira nokusingaperi-peri.” Zvino Vakuru vana makumi maviri navana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawira pasi vakanamata Mwari akanga agere pachigaro choushe, vakati, “Ameni, Hareruya!” Izwi rikabva pachigaro choushe, richiti, “Rumbidzai Mwari, imi mose varanda vake, imi munomutya, vaduku navakuru.” Ipapo ndakanzwa sezwi ravazhinji-zhinji, sezwi remvura zhinji, sezwi rokutinhira kukuru, richiti, “Hareruya! Nokuti Ishe Mwari wedu waMasimbaose anobata ushe.
Zvakazarurwa 19:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure maizvozvi ndakanzwa izwi guru rainge remhomho huru yavanhu mudenga vachidaidzira vachiti, “Areruya! Ruponeso nembiri nesimba ndezvaMwari wedu. Kutonga kwake kuri pachokwadi uye kwakarurama. Akatonga chifeve chikuru chiya chakaodza pasi noupombwe hwacho akatsividza pachiri ropa ravaranda vake.” Vakadaidzirazve vachiti, “Areruya! Utsi hwaro heko kutogoka nokusingaperi.” Vakuru vakuru makumi maviri ana vana vaya nezvisikwa zvipenyu zvina zviya zvakati pasi kota kota zvichinamata Mwari agere pachigaro choumambo zvichiti, “Ameni. Areruya!” Pakanzwika izwi richibva pachigaro choumambo richidaidzira richiti, “Rumbidzai Mwari wedu imi mose varanda vake nemi vanomutya, vakuru navadiki.” Ndakazonzwa chainge izwi remhomho yavanhu richinge ruzha rwemvura zhinji uye sokudhiriridza kwemheni ine simba richidaidzira richiti, “Areruya! Nokuti Tenzi Mwari wedu Samasimbaose anotonga.
Zvakazarurwa 19:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shure kwaiɀoɀo ndakanzwa inzwi guru seraʋazhinji‐zhinji kuɗeŋga, riciti: Hareruya! Ruponeso, nokubginya, nesimba ndeɀaMŋari weɗu; nokuti kutoŋga kwake ndokwaɀokwaɗi kwakarurama; nokuti wakatoŋga mhombge huru yakaʋodza nyika noʋupombge bgayo, akatsiʋa ropa raʋaranda ʋake paruʋoko rwayo. Ipapo ʋakapamhidza, ʋaciti: Hareruya! Ʋutsi bgayo bgunokwira nokusiŋgaperi‐peri. Ɀino Ʋakuru ʋanamakumi maʋiri naʋanna neɀisikwa ɀipenyu ɀinna ʋakawira pasi ʋakanamata Mŋari wakaŋga agere pacigaro coʋushe, ʋakati: Ameni, Hareruya! Inzwi rikabva pacigaro coʋushe, riciti: Rumbidzai Mŋari, imi mose ʋaranda ʋake, imi munomutya, ʋaɗuku naʋakuru. Ipapo ndakanzwa senzwi raʋazhinji‐zhinji, senzwi remvura zhinji, senzwi rokutinhira kukuru, riciti: Hareruya! Nokuti Ishe Mŋari weɗu wamasimba ose woɓata ʋushe.
Zvakazarurwa 19:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)