Zvakazarurwa 18
18
Kuparadzwa kweBhabhironi nokuchema panyika
1Shure kwaizvozvi ndakaona mumwe mutumwa achiburuka kudenga, ane simba guru; nyika ikavhenekerewa nokubwinya kwake. 2Akadanidzira nezwi guru, achiti, “Rawa, Rawa, Bhabhironi, guta guru, yava nzvimbo munogara mweya yakaipa, nenhare yemweya yose yetsvina, nenhare yeshiri dzose dzine tsvina, dzinovengwa. 3Nokuti marudzi ose akawa newaini yokutsamwa kwoupombwe hwaro, namadzimambo enyika akaita upombwe naro, navatengesi venyika vakapfuma nesimba rokuzvirasa kwaro.”
4Zvino ndakanzwa rimwe izwi rinobva kudenga, richiti, “Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwa madambudziko aro. 5Nokuti zvivi zvaro zvasvika kudenga, Mwari arangarira zvisakarurama zvaro. 6Muritsive parakakutsivai napo, muchiriitira kaviri parakabata napo; mumudziyo iwoyo marakadira iro, muridirire kaviri.
7“Parakazvikudza nokuzvifadza napo, murirwadzise nokurichemedza; nokuti rinoti mumwoyo maro, ‘Ndinogara pachigaro choushe ndiri vahosi, handizi chirikadzi, handingatongooni kuchema.’
8“Saka madambudziko aro achasvika nezuva rimwe, rufu, nokuchema, nenzara; richapiswa kwazvo nomoto, nokuti Ishe Mwari anoritonga, ane simba.”
9Madzimambo enyika, akaita upombwe nokuzvifadza naro, achiona hutsi hokupiswa kwaro; 10ivo vamire kure nokutya kurwadzwa kwaro, vachiti, “Nhamo, nhamo, newe, guta guru, iwe Bhabhironi, guta rakasimba! Nokuti kutongwa kwako kwakasvika nenguva imwe.”
11Vatengesi venyika vacharira nokuchema pamusoro paro, nokuti hakuchina munhu anotenga nhumbi dzavo; 12nhumbi dzendarama, nesirivha, nedzamambwe anokosha, nedzamapera nedzomucheka wakanaka, nedzemicheka mitsvuku, nedzesiriki, nedzemicheka mishava, namarudzi ose emiti inonhuwira, namarudzi ose emidziyo yenyanga dzenzou, namarudzi ose emidziyo yamatanda anokosha, nedzesafuri, nedzedare, nedzamabwe machena; 13nekinamoni, nomuamumoni, nezvinonhuwira, namafuta okuzora, namafuta omuribhanoni, newaini, namafuta omuorivhi, nohupfu hwakatsetseka, nezviyo, nemombe, namakwai, nenhumbi dzamabhiza, nedzengoro, nedzavatapwa, nedzemweya yavanhu. 14Michero yaidikanwa nomwoyo wako, yakabva kwauri, nezvinhu zvose zvakanaka nezvinopenya, zvakabva kwauri, vanhu havangatongozozviwanizve. 15Vatengesi vezvinhu izvi, vakanga vafumiswa naro, vachamira kure nokutya kurwadzwa kwaro, vachirira nokuchema, 16vachiti, “Nhamo, nhamo, guta guru rakanga rakapfeka mucheka wakanaka, mutsvuku nomushava, rakanga rakashonga ndarama, namabwe anokosha, namapera! 17Nokuti nenguva imwe pfuma huru yakadai yaparadzwa.” Zvino vafambisi vose vezvikepe, navose vanofamba nezvikepe papi napapi, navafambi navabati pagungwa, vakamira kure, 18vakadanidzira vachiona hutsi hwokutsva kwaro, vachiti, “Guta rakafanana neguta iri guru nderipiko?” 19Ipapo vakakandira guruva pamisoro yavo, vakadanidzira vachirira nokuchema, vachiti, “Nhamo, nhamo, guta guru, kwaifumiswa nezvinokosha zvaro vose vaiva nezvikepe zvavo pagungwa; nokuti rakaparadzwa nenguva imwe.”
20Farai pamusoro paro iwe denga, nemi vatsvene navapostori, navaporofita, nokuti Mwari akaritongera kutongwa kwenyu.
21Zvino mumwe mutumwa ane simba akasimudza ibwe rakaita seguyo guru, akarikandira mugungwa, achiti, “Saizvozvo guta guru, Bhabhironi, richaputsirwa pasi nesimba, rikatongowanikwazve. 22Nezwi ravanoridza madimbwa, neravanoimba, neravanoridza nyere, neravanoridza hwamanda, harichatongonzwiki mauri, nemhizha yebasa ripi neripi haichatongowanikwi mauri, nezwi reguyo harichatongonzwiki mauri; 23chiedza chomwenje hachichatongovhenekeri mauri, nezwi rechikomba kana romwenga harichatongonzwiki mauri; nokuti vatengesi vako vaiva vakuru venyika; nokuti nouroyi hwako marudzi ose akanyengerwa.”
24Mukati maro mukawanikwa ropa ravaporofita neravatsvene, neravose vakaurawa panyika.
Zvasarudzwa nguva ino
Zvakazarurwa 18: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002