Zvakazarurwa 16
16
1Zvino ndakanzwa izwi guru richibva mutemberi, richiti kuvatumwa vanomwe, “Endai, mundodurura panyika ndiro nomwe dzokutsamwa dzaMwari.”
2Wokutanga akaenda, akadurura ndiro yake panyika; ronda rakaipa rinorwadza rikavapo pavanhu vakanga vane chiratidzo chechikara, vakanamata mufananidzo wacho.
3Wechipiri akadurura ndiro yake pagungwa; rikashanduka ropa seromunhu akafa; nezvipenyu zvose zvakanga zviri mugungwa zvikafa.
4Wechitatu akadurura ndiro yake panzizi nomumatsime emvura, ikashanduka ropa. 5Ndikanzwa mutumwa wemvura achiti, “Imi, Makarurama, muripo, namakanga miripo, Mutsvene, nokuti makatonga saizvozvo. 6Nokuti vakadurura ropa ravatsvene neravaporofita, mukavapa ropa, kuti vanwe; vakafanirwa naizvozvo.” 7Ndikanzwa aritari ichiti, “Hongu, Ishe, Mwari wamasimba ose, kutonga kwenyu ndokwechokwadi kwakarurama.”
8Zvino wechina akadurura ndiro yake pamusoro pezuva, rikapiwa simba kuti ripise vanhu nomoto. 9Vanhu vakapiswa nokupisa kukuru, vakamhura zita raMwari, anesimba pamusoro pamadambudziko awa; havana kutendeuka, kuti vamukudze.
10Wechishanu akadurura ndiro yake pamusoro pechigaro choushe chechikara; ushe hwacho hukasvibiswa, vakatsenga marimi avo nokurwadzwa; 11vakamhura Mwari wokudenga pamusoro pokurwadzwa kwavo namaronda avo; asi havana kutendeuka pamabasa avo.
12Zvino wechitanhatu akadurura ndiro yake pamusoro porwizi rukuru, runonzi Yufuratesi; mvura yarwo ikapwa, kuti nzira dzamadzimambo anobva kumabvazuva dzigadzirwe. 13Ipapo ndakaona mweya yetsvina mitatu yakaita samatafi ichibva mumuromo weshato nomumuromo wechikara, nomumuromo womuporofita wenhema; 14nokuti ndiyo mweya yakaipa inoita zviratidzo; inoenda kumadzimambo enyika yose, kuvakokera kukurwa pazuva iro guru raMwari waMasimbaose.
15Tarira, ndinouya sembavha. Akaropafadzwa anorinda, anochengeta nguo dzake, kuti arege kufamba asina kupfeka, vaone nyadzi dzake.
16Akavaunganidzira panzvimbo inonzi Harimagedhoni nechiHebheru.
17Zvino wechinomwe akadurura ndiro yake mudenga, izwi guru rikabuda muchigaro choushe, richiti, “Zvapera!”
18Ipapo mheni yakavapo, namazwi nokutinhira; nokudengenyeka kwenyika kukuru kwakavapo; kudengenyeka kwenyika kwakakura-kura kukadai hakuna kumbovapo kubva pakusikwa kwavanhu panyika. 19Guta guru rikakamurwa rikaita zvikamu zvitatu, maguta amarudzi akaputsika; Bhabhironi guta guru rikarangarirwa pamberi paMwari, kuti ripiwe mukombe wewaini yokutsamwa kwehasha dzake. 20Zviwi zvose zvikatiza, namakomo haana kuwanikwa. 21Chimvuramabwe chikuru, chinobva kudenga, chikawira pamusoro pavanhu, kurema kwebwe rimwe nerimwe kukaita setarenda; vanhu vakamhura Mwari nokuda kwedambudziko rechimvuramambwe, nokuti dambudziko racho raiva guru kwazvo.
Zvasarudzwa nguva ino
Zvakazarurwa 16: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002