Zvino ndakatarira, ndikaona Gwayana rimire pagomo reZioni, rinavamwe vane zviuru zvinezana namakumi mana navana, vanezita raro, nezita raBaba varo, rakanyorwa pahuma dzavo. Ipapo ndakanzwa izwi richibva kudenga, sezwi remvura zhinji, uye sezwi rokutinhira kukuru; nezwi randakanzwa rakanga rakaita seravaridzi vorudimbwa vachiridza madimbwa avo. Vakaimba rwiyo rutsva pamberi pechigaro choushe, napamberi pezvisikwa zvipenyu zvina, naVakuru; hakuna munhu akagona kudzidza rwiyo urwu, asi vaya vane zviuru zvine zana namakumi mana navana, vakadzikinurwa vachibva panyika. Ndivo vasina kusvibiswa navakadzi; nokuti vakanaka semhandara. Ndivo vanotevera Gwayana kwose kwarinoenda. Ndivo vakadzikinurwa pakati pavanhu, kuti vave zvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana. Mumuromo mavo hamuna kuonekwa nhema, havana chavangapomerwa.
Zvino ndakaona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pedenga, ane Vhangeri isingaperi, kuti aiparidzire vanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose nendimi dzose, navanhu vose.
Akati nezwi guru, “Ityai Mwari, mumurumbidze; nokuti nguva yake yokutonga yasvika; namatai iye, akasika denga, nenyika, negungwa, namatsime emvura.”
Ipapo mumwe mutumwa akatevera, achiti, “Rawa, Rawa, Bhabhironi, guta guru, rakanwisa marudzi ose waini yokutsamwa kwoupombwe hwaro.”
Ipapo mumwe mutumwa wechitatu akatevera, akati nezwi guru, “Kana munhu akanamata chikara nomufananidzo wacho, nokugamuchira chiratidzo pahuma yake kana paruoko rwake, naiye achanwawo waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa isina kuvhenganiswa mumukombe wehasha dzake; achatambudzwa mumoto nesuriferi pamberi pavatumwa vatsvene, napamberi peGwayana. Hutsi hokutambudzika hwavo hunokwira nokusingaperi-peri; havana zororo masikati nousiku, ivo vanonamata chikara nomufananidzo wacho, noanogamuchira chiratidzo chezita racho.”
Ndipo panokutsungirira kwavatsvene, vanochengeta mirayiro yaMwari nokutenda kwaJesu.
Ipapo ndakanzwa izwi richibva kudenga, richiti, “Nyora, uti: Vakafa, vanofira muna Ishe, vakaropafadzwa kubva zvino. Hongu, ndizvo zvinotaura Mweya, kuti vazorore pakubata kwavo kukuru, nokuti mabasa avo anovatevera.”
Ipapo ndakatarira, ndikaona gore jena, nomumwe wakaita soMwanakomana womunhu agere pamusoro paro, ane korona yendarama pamusoro wake, naparuoko rwake ane jeko rinopinza.
Zvino mumwe mutumwa akabuda mutemberi, akadanidzira nezwi guru kuna iye akanga agere pamusoro pegore, achiti, “Tumai jeko renyu mucheke; nokuti nguva yokucheka yasvika, nokuti kucheka kwenyika kwaibva.” Ipapo akanga agere pamusoro pegore akakandira jeko rake panyika, nyika ikachekwa.
Zvino mumwe mutumwa akabuda mutemberi iri kudenga, naiyewo ane jeko rinopinza.
Nomumwe mutumwa akanga ane simba pamusoro pomoto, akabuda paaritari, akadanidzira nezwi guru kuna iye akanga ane jeko rinopinza, achiti, “Tumai jeko renyu rinopinza, mucheke masumbu omudzambiringa wenyika, nokuti madzambiringa ayo aibva.” Ipapo mutumwa wakakandira jeko rake panyika, akacheka mudzambiringa wenyika, akazvikandira muchisviniro chikuru chokutsamwa kwaMwari. Chisviniro chikatsikwa kunze kweguta, ropa rikabuda muchisviniro rikasvika pamatomo amabhiza, rikaenda masitadhia ane chiuru china mazana matanhatu.