Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 89:38-52

Mapisarema 89:38-52 SNA2002

Asi imi makarasha nokuramba, Makatsamwira muzodzwa wenyu. Makasema sungano yomuranda wenyu; Makazvidza korona yake mukaikandira pasi. Makaputsa madziro ake ose; Makaita nhare dzake matongo. Vose vanopfuura nenzira vanopamba nhumbi dzake; Wava chinhu chinosekwa navaanogara navo. Makasimudza ruoko rworudyi rwavadzivisi vake; Makafadza vavengi vake vose. Zvirokwazvo, munodzosa munondo wake unopinza, Hamuna kumusimbisa pakurwa. Makagumisa kubwinya kwake, Makawisira pasi chigaro chake choushe. Makatapudza mazuva ohujaya hwake; Makamufukidza nokunyara. Jehovha, muchazvivanza nokusingaperi kusvikira riniko? Kutsamwa kwenyu kuchapisa somoto kusvikira riniko? Haiwa, rangarirai kuti nguva yangu ipfupi kwazvo; Kuti makasikira vana vavanhu vose zvinhu zvisina maturo kwazvo! Ndoupiko munhu angararama akasaona kufa, Angarwira mweya wake pasimba reSheori here? Ishe, unyoro hwenyu hwakare huripiko, Hwamakapika kuna Dhavhidhi nokutendeka kwenyu here? Rangarirai, Ishe, kushorwa kwavaranda venyu; Kuti ndinotakura muchipfuva changu kushora kwavanhu vazhinji; Uko kwakashora vavengi venyu nako, Jehovha, Kwavakashora nako makwara omuzodzwa wenyu. Jehovha ngaavongwe nokusingaperi. Ameni, zvirokwazvo, Ameni.