Mapisarema 89:38-52
Mapisarema 89:38-52 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi imi makaramba, makavenga, makatsamwira kwazvo muzodziwa wenyu. Makaparadza sungano yomuranda wenyu uye mukasvibisa korona yake muguruva. Makaputsa masvingo ake ose mukaita nhare dzake matongo. Vose vanopfuura napo vanomupamba; ava chiseko chavavakidzani vake. Makasimudzira ruoko rworudyi rwavavengi vake; makaita kuti vavengi vake vose vafare. Makadzosera shure munondo wake unopinza, uye hamuna kumutsigira pakurwa. Makagumisa kubwinya kwake, mukawisira pasi chigaro chake choushe. Makatapudza mazuva oujaya hwake; makamufukidza nejasi renyadzi. Sera Haiwa Jehovha kusvikira riniko? Muchazvivanza nokusingaperi here? Hasha dzenyu dzichapisa somoto kusvikira riniko? Rangarirai kuti upenyu hwangu hunopfuura sei. Nokuti makasikira vanhu vose zvisina maturo! Ko, munhu ndoupi angararama akasaona rufu, kana angazviponesa pasimba reguva? Sera Haiwa Ishe, rudo rwenyu rukuru rwekare rwuripiko, irwo rwamakapika nokutendeka kwenyu kuna Dhavhidhi? Rangarirai, Ishe kuti muranda wenyu aisekwa sei, kuti ndaitakura sei muchipfuva changu kutuka kwendudzi dzose, kutuka uko vavengi venyu vaikusekai nako, imi Jehovha, pavaiseka nhambwe imwe neimwe yomuzodziwa wenyu. Jehovha ngaarumbidzwe nokusingaperi! Ameni naAmeni.

Mapisarema 89:38-52 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi imi makarasha nokuramba, Makatsamwira muzodzwa wenyu. Makasema sungano yomuranda wenyu; Makazvidza korona yake mukaikandira pasi. Makaputsa madziro ake ose; Makaita nhare dzake matongo. Vose vanopfuura nenzira vanopamba nhumbi dzake; Wava chinhu chinosekwa navaanogara navo. Makasimudza ruoko rworudyi rwavadzivisi vake; Makafadza vavengi vake vose. Zvirokwazvo, munodzosa munondo wake unopinza, Hamuna kumusimbisa pakurwa. Makagumisa kubwinya kwake, Makawisira pasi chigaro chake choushe. Makatapudza mazuva ohujaya hwake; Makamufukidza nokunyara. Jehovha, muchazvivanza nokusingaperi kusvikira riniko? Kutsamwa kwenyu kuchapisa somoto kusvikira riniko? Haiwa, rangarirai kuti nguva yangu ipfupi kwazvo; Kuti makasikira vana vavanhu vose zvinhu zvisina maturo kwazvo! Ndoupiko munhu angararama akasaona kufa, Angarwira mweya wake pasimba reSheori here? Ishe, unyoro hwenyu hwakare huripiko, Hwamakapika kuna Dhavhidhi nokutendeka kwenyu here? Rangarirai, Ishe, kushorwa kwavaranda venyu; Kuti ndinotakura muchipfuva changu kushora kwavanhu vazhinji; Uko kwakashora vavengi venyu nako, Jehovha, Kwavakashora nako makwara omuzodzwa wenyu. Jehovha ngaavongwe nokusingaperi. Ameni, zvirokwazvo, Ameni.
Mapisarema 89:38-52 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi imi makasiya muzodzwa wenyu mukamuramba uye makamushatirirwa. Makaramwa chitenderano chenyu nomuranda wenyu makaumburudza ngundu yamambo muvhu. Makapaza tsvingo dzake dzose makaparadza nhare dzake dzokuzvidzivirira nadzo muhondo kusara ava matongo. Vose vanopfuura napaari vanopamba zvinhu zvake. Ava chiseko chavavakidzani vake. Makaratidza kuti vavengi vake vakunda nokusimudza ruoko rwavo rworudyi; mukaita kuti mhandu dzake dzifare. Makamininutsa bakatwa rake mukaita kuti akurirwe muhondo. Makamutorera mumaoko tsvimbo yake youmambo; makaputsira pasi chigaro chake choumambo. Makamuchembedza nokukasira, makamuzadza nenyadzi. Dzepfunde Kusvikira rinhiko nhai TENZI? Mucharamba makazvivanza nokusingaperi here? Kusvika riniko hasha dzenyu dzichiviruka somoto kudai? Yeukai kupfupika kwakaita upenyu hwangu chamakasikira munhu unobva wachishaya. Ndiani angararame asingazosvika pakufa. Ndiani angazviponese kusimba renzvimbo yavakafa. Dzepfunde. Nhai, TENZI, ko mwoyochena wenyu uya wakare uripi wamakambotsidza kuna Dhavhidhi pamusana pokutendeka kwenyu? Rangarirai TENZI kushorwa kunoitwa muranda wenyu nokutakura kwandinoita mumwoyo mangu kushorwa ikoko kunobva kuvanhu vakawanda kuchiitwa nemhandu dzenyu TENZI dzichishora muzodzwa wenyu pose paanofamba. TENZI ngaarumbidzwe nokusingaperi. Ameni, Ameni.
Mapisarema 89:38-52 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi imi makarasha nokuramba, Makatsamŋira muzodzwa wenyu. Makasema suŋgano yomuranda wenyu; Makaɀidza korona yake mukaikandira pasi. Makaputsa madziro ake ose; Makaita nhare dzake matoŋgo. Ʋose ʋanopfuʋura nenzira ʋanopamba nhumbi dzake; Waʋa cinhu cinosekwa naʋaanogara naʋo. Makasimudza ruʋoko rworudyi rwaʋadziʋisi ʋake; Makafadza ʋaʋeŋgi ʋake ʋose. Ɀirokwaɀo, munodzosa munondo wake unopinza, Hamuna‐kumusimbisa pakurwa. Makagumisa kubginya kwake, Makawisira pasi cigaro cake coʋushe. Makatapudza mazuʋa oʋujaya bgake; Makamufukidza nokunyara. Jehova, mucaɀiʋanza nokusiŋgaperi kuȿikira riniko? Kutsamŋa kwenyu kucapisa somŋoto kuȿikira riniko? Haiwa, raŋgarirai kuti ŋguʋa yaŋgu ifupi kwaɀo; Kuti makasikira ʋana ʋaʋanhu ʋose ɀinhu ɀisinamaturo kwaɀo! Ndoupiko munhu uŋgararama akasaʋona kufa, Uŋgarwira mŋeya wake pasimba reSheori here? Ishe, ʋunyoro bgenyu bgakare ʋuripiko, Bgamakapika kunaDavidi nokutendeka kwenyu here? Raŋgarirai, Ishe, kushoʋorwa kwaʋaranda ʋenyu; Kuti ndinotakura mucifuʋa caŋgu kushoʋora kwaʋanhu ʋazhinji; Uko kwakashoʋora ʋaʋeŋgi ʋenyu nako, Jehova, Kwaʋakashoʋora nako makwara omuzodzwa wenyu. Jehova ŋgaaʋoŋgwe nokusiŋgaperi. Ameni, ɀirokwaɀo, Ameni.
Mapisarema 89:38-52 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)