Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 89:38-52

Mapisarema 89:38-52 SUB1949

Asi imi makarasha nokuramba, Makatsamŋira muzodzwa wenyu. Makasema suŋgano yomuranda wenyu; Makaɀidza korona yake mukaikandira pasi. Makaputsa madziro ake ose; Makaita nhare dzake matoŋgo. Ʋose ʋanopfuʋura nenzira ʋanopamba nhumbi dzake; Waʋa cinhu cinosekwa naʋaanogara naʋo. Makasimudza ruʋoko rworudyi rwaʋadziʋisi ʋake; Makafadza ʋaʋeŋgi ʋake ʋose. Ɀirokwaɀo, munodzosa munondo wake unopinza, Hamuna‐kumusimbisa pakurwa. Makagumisa kubginya kwake, Makawisira pasi cigaro cake coʋushe. Makatapudza mazuʋa oʋujaya bgake; Makamufukidza nokunyara. Jehova, mucaɀiʋanza nokusiŋgaperi kuȿikira riniko? Kutsamŋa kwenyu kucapisa somŋoto kuȿikira riniko? Haiwa, raŋgarirai kuti ŋguʋa yaŋgu ifupi kwaɀo; Kuti makasikira ʋana ʋaʋanhu ʋose ɀinhu ɀisinamaturo kwaɀo! Ndoupiko munhu uŋgararama akasaʋona kufa, Uŋgarwira mŋeya wake pasimba reSheori here? Ishe, ʋunyoro bgenyu bgakare ʋuripiko, Bgamakapika kunaDavidi nokutendeka kwenyu here? Raŋgarirai, Ishe, kushoʋorwa kwaʋaranda ʋenyu; Kuti ndinotakura mucifuʋa caŋgu kushoʋora kwaʋanhu ʋazhinji; Uko kwakashoʋora ʋaʋeŋgi ʋenyu nako, Jehova, Kwaʋakashoʋora nako makwara omuzodzwa wenyu. Jehova ŋgaaʋoŋgwe nokusiŋgaperi. Ameni, ɀirokwaɀo, Ameni.