Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 8

8
Kukudzwa kwomunhu naJehovha
Kumutungamiriri wokuimba; neGititi. Pisarema raDhavhidhi.
1Haiwa Jehovha, Ishe wedu,
Zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!
Makaisa umambo hwenyu kudenga.
2Pamiromo yavacheche navanomwa makaisa simba,
Nokuda kwavadzivisi venyu,
Kuti munyaradze muvengi nomutsivi.
3Kana ndichicherekedza denga renyu
rose, iro basa reminwe yenyu,
Mwedzi nenyeredzi zvamakarongedza;
4Munhu chinyiko, zvamunomufunga?
NoMwanakomana womunhu zvamunomushanyira?
5Nokuti makamuita muduku zvishoma kuna Mwari,
Makamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa.
6Makamubatisa ushe hwamabasa amaoko enyu;
Makaisa zvose pasi petsoka dzake.
7Makwai ose nenzombe,
Nemhuka dzesango;
8Neshiri dzokudenga, nehove dzegungwa,
Izvo zvose zvinofamba nenzira dzegungwa.
9Haiwa Jehovha, Ishe wedu,
Zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!

Zvasarudzwa nguva ino

Mapisarema 8: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda