Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 71:1-16

Mapisarema 71:1-16 SNA2002

Jehovha, ndinovimba nemi; Ngandirege kutongonyadziswa. Ndirwirei mukururama kwenyu, ndisunungurei; Rerekerai nzeve yenyu kwandiri, mundiponese. Ivai dombo rangu mandingagara, kwandingaramba ndichienda; Makaraira kuti ndiponeswe; Nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu. Ndisunungurei, Mwari wangu, paruoko rwowakaipa, Paruoko rwousina kururama nomunhu anomanikidza. Nokuti imi, Ishe Jehovha, muri tariro yangu; Ndimi wandinovimba naye kubva pauduku hwangu. Ndakatsigirwa nemi kubva pachizvaro; Ndimi makandibudisa padumbu ramai vangu; Ndichakurumbidzai. Ndiri chishamiso kuna vazhinji; Asi imi muri utiziro hwangu hwakasimba. Muromo wangu uchazadzwa nerumbidzo yenyu, Nekudzo yenyu zuva rose. Regai kundirasha panguva yokukwegura kwangu; Musandisiya kana ndapera simba. Nokuti vavengi vangu vanondireva; Vanogarira mweya wangu, vanorangana, Vachiti, “Mwari amusiya; Teverai, mumubate; nokuti hakuna ungamurwira.” Mwari, regai kuva kure neni; Mwari wangu, kurumidzai kundibatsira. Avo vanodzivisa mweya wangu ngavanyadziswe vapere; Vanotsvaka kundikuvadza ngavafukidzwe nokushorwa nokuzvidzwa. Asi ini ndicharamba ndichitarira, Ndicharamba ndichiwedzera kukurumbidzai. Muromo wangu uchareva kururama kwenyu, Nokuponesa kwenyu zuva rose; Nokuti handizivi kuwanda kwazvo. Ndichauya namabasa ane simba aShe aJehovha; Ndichaparidza kururama kwenyu, iko kwenyu kwoga.