Mwoyo wangu unotutuma namashoko akanaka; Ndinotaura zvinhu zvandakaita zvinoreva mambo; Rurimi rwangu ipeni yomunyori anokurumidza kunyora. Imi makanaka-naka kupfuura vana vavanhu; Nyasha yakadururirwa pamiromo yenyu; Saka Mwari wakakuropafadzai nokusingaperi. Sungai munondo wenyu pachiuno chenyu, imi wamasimba, Ukuru hwenyu nohumambo hwenyu. Fambai noumambo hwenyu muchikunda, Nokuda kwezvokwadi nounyoro nokururama; Ruoko rwenyu rworudyi ngarukudzidzisei zvinotyisa. Miseve yenyu inopinza; Vanhu vanokundwa nemi; Inobaya pamwoyo yavavengi vamambo. Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chiripo nokusingaperi-peri; Tsvimbo youshe hwenyu itsvimbo yakarurama. Makada kururama, mukavenga kusarurama; Naizvozvo Mwari, Mwari wenyu wakakuzodzai Namafuta okufara kupfuura shamwari dzenyu. Nguo dzenyu dzose dzinonhuwira nemura nearosi neakasia; Madimbwa akakufadzai achiridzwa mudzimba dzamambo dzenyanga dzenzou. Vakunda vamadzimambo vari pakati pavanhukadzi venyu vanokudzwa; Paruoko rwenyu rworudyi vahosi vamire vakashonga ndarama yeOfiri.
Verenga chikamu Mapisarema 45
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 45:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
YouVersion inoshandisa macookies kugadzirisa mashandisiro ako. Nekushandisa webhusaiti yedu, unobvuma kushandisa kwedu macookies sekutsanangurwa kwazvakaitwa mu Mutemo wedu weZvakavanzika
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo