Ndinzwirei tsitsi Jehovha,
nokuti ndiri panjodzi;
Ziso rangu rapera nokuchema,
zvirokwazvo, nomweya wangu nomuviri wanguo.
Nokuti hupenyu hwangu hwapera
nokuchema, namakore angu nokugomera;
Simba rangu rapera nokuda
kwokutadza kwangu, uye mapfupa angu asakara.
Ndava chinhu chinozvidzwa nemhaka
yavadzivisi vangu vose,
Zvirokwazvo, zvikuru kuna vandinogara navo,
nechinotyisa kuvazikani vangu;
Vakandiona kunze vakanditiza.
Ndakanganikwa sowakafa asati achafungwa;
Ndava somudziyo wakaputsika.
Ndakanzwa vazhinji vachindipomera,
Zvinotyisa kumativi ose;
Pakurangana kwavo pamusoro pangu
Vakafunga mano kuti vanditorere
upenyu hwangu.
Asi ndakavimba nemi Jehovha;
Ndakati, “Ndimi Mwari wangu.”
Nguva dzangu dziri muruoko rwenyu;
Ndirwirei paruoko rwavavengi vangu,
nokuna vanonditambudza.
Vhenekesai chiso chenyu pamusoro pomuranda wenyu;
Ndiponesei nounyoro hwenyu.
Ngandirege kunyadziswa, Jehovha;
nokuti ndakadana kwamuri;
Vakaipa ngavanyadziswe, ngavanyarare paSheori.
Miromo inoreva nhema ngainyarare;
Iyo inotaura namanyawi kuna vakarurama,
Ichizvikudza nokuvazvidza.
Haiwa, zvakanaka zvenyu zvamakachengetera
vanokutyai zvakakura sei,
Zvamakaitira vanovimba nemi, pamberi
pavanakomana vavanhu!
Muchavavanza pakavanda pamberi penyu,
vabve pamano avanhu;
Muchavachengeta pakavanda patende
vabve panharo dzendimi.
Jehovha ngaavongwe,
Nokuti akandiratidza unyoro hwake
hunoshamisa paguta rakasimba.
Kana ndirini, ndakati pakukaruka kwangu,
“Ndabviswa pamberi penyu;”
Kunyange zvakadaro, makanzwa izwi
rokukumbira kwangu pakuchema kwangu kwamuri.
Idai Jehovha, imi vatsvene vake mose;
Jehovha anochengeta vakatendeka,
Anotsiva zvikuru munhu anozvikudza.
Ivai nesimba, uye mwoyo yenyu itsunge,
Imi mose munorindira Jehovha.