Mapisarema 31:9-24
Mapisarema 31:9-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa Jehovha, ndinzwirei ngoni nokuti ndine nhamo; meso angu aneta nokuchema, mwoyo wangu nomuviri wangu zvarwadziwa. Upenyu hwangu hwopera nokurwadziwa, uye namakore angu nokugomera; simba rangu rapera nokuda kwokutambudzika kwangu, uye mapfupa angu arukutika. Nokuda kwavavengi vangu, ndava chinhu chinovengwa navavakidzani vangu; ndava chinhu chinotyisa kushamwari dzangu; vanondiona munzira dzomumisha vanonditiza. Ndakanganwikwa navo sendakafa; ndafanana nehari yakaputsika, nokuti ndinonzwa guhwa ravazhinji; kumativi ose kune zvinotyisa; vanorangana pamusoro pangu uye vanoronga kundiuraya. Asi ndinovimba nemi, imi Jehovha; ndinoti, “Ndimi Mwari wangu.” Nguva dzangu dziri mumaoko enyu; ndirwirei kuvavengi vangu nokuna avo vanonditeverera. Chiso chenyu ngachipenye pamusoro pomuranda wenyu; ndiponesei norudo rwenyu rusingaperi. Haiwa Jehovha, itai kuti ndisanyadziswa, nokuti ndakadana kwamuri; asi vakaipa ngavanyadziswe uye vavate vakati mwiro muguva. Miromo yavo inoreva nhema ngainyaradzwe, nokuti vanotaura namanyawi nokuzvikudza pamusoro pavakarurama. Haiwa, kunaka kwenyu kukuru sei, kwamakachengetera vaya vanokutyai, kwamunoisa pamberi pavanhu, pamusoro paivo vanovanda mamuri. Mukudzivirira kwokuvapo kwenyu munovavanza kubva parangano dzavanhu; munovachengeta zvakanaka pamunogara kubva pandimi dzinopomera. Jehovha ngaarumbidzwe, nokuti akaratidza rudo rwake runoshamisa kwandiri pandakanga ndiri muguta rakakombwa. Mukuvhunduka kwangu, ndakati, “Ndabviswa pamberi penyu!” Asi makanzwa kuchemera nyasha kwangu pandakadanidzira kwamuri ndichida rubatsiro. Idai Jehovha, imi vatsvene mose! Jehovha anochengetedza vakatendeka, asi anotsiva zvizere vanozvikudza. Simbai uye mutsunge mwoyo, imi mose munorindira Jehovha.
Mapisarema 31:9-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndinzwirei tsitsi Jehovha, nokuti ndiri panjodzi; Ziso rangu rapera nokuchema, zvirokwazvo, nomweya wangu nomuviri wanguo. Nokuti hupenyu hwangu hwapera nokuchema, namakore angu nokugomera; Simba rangu rapera nokuda kwokutadza kwangu, uye mapfupa angu asakara. Ndava chinhu chinozvidzwa nemhaka yavadzivisi vangu vose, Zvirokwazvo, zvikuru kuna vandinogara navo, nechinotyisa kuvazikani vangu; Vakandiona kunze vakanditiza. Ndakanganikwa sowakafa asati achafungwa; Ndava somudziyo wakaputsika. Ndakanzwa vazhinji vachindipomera, Zvinotyisa kumativi ose; Pakurangana kwavo pamusoro pangu Vakafunga mano kuti vanditorere upenyu hwangu. Asi ndakavimba nemi Jehovha; Ndakati, “Ndimi Mwari wangu.” Nguva dzangu dziri muruoko rwenyu; Ndirwirei paruoko rwavavengi vangu, nokuna vanonditambudza. Vhenekesai chiso chenyu pamusoro pomuranda wenyu; Ndiponesei nounyoro hwenyu. Ngandirege kunyadziswa, Jehovha; nokuti ndakadana kwamuri; Vakaipa ngavanyadziswe, ngavanyarare paSheori. Miromo inoreva nhema ngainyarare; Iyo inotaura namanyawi kuna vakarurama, Ichizvikudza nokuvazvidza. Haiwa, zvakanaka zvenyu zvamakachengetera vanokutyai zvakakura sei, Zvamakaitira vanovimba nemi, pamberi pavanakomana vavanhu! Muchavavanza pakavanda pamberi penyu, vabve pamano avanhu; Muchavachengeta pakavanda patende vabve panharo dzendimi. Jehovha ngaavongwe, Nokuti akandiratidza unyoro hwake hunoshamisa paguta rakasimba. Kana ndirini, ndakati pakukaruka kwangu, “Ndabviswa pamberi penyu;” Kunyange zvakadaro, makanzwa izwi rokukumbira kwangu pakuchema kwangu kwamuri. Idai Jehovha, imi vatsvene vake mose; Jehovha anochengeta vakatendeka, Anotsiva zvikuru munhu anozvikudza. Ivai nesimba, uye mwoyo yenyu itsunge, Imi mose munorindira Jehovha.
Mapisarema 31:9-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinzwireiwo tsitsi TENZI nokuti ndiri munhamo. Ziso rangu rasakara nokuchema ndizvozvowo zvine mweya wangu nomuviri wangu. Upenyu hwangu hwaperera mukusuwa namakore angu aperera mukutura befu simba rangu rapera pamusana pepfumvu yangu mapfupa angu asakara. Ndinozvidzwa navavengi vangu vose, chinhu chinoshoreka kwazvo kuva vavakidzani vangu. Vazivikanwi vangu vavakutonditya vanondiona mumugwagwa vanonditiza. Ndakatokanganikwa somunhu akafa. Ndaita somudziyo wakapwanyika. Nokuti ndiri kunzwa vazhinji vachiita kazevezeve; mativi ose zvangove zvinotyisa. Pavanorangana zvokundirwisa vachirangana zvokuda kundiuraya. Asi ini ndinovimba nemi TENZI ndinoti ndimi Mwari wangu. Upenyu hwangu huri mumaoko enyu ndinunureiwo mumaoko avavengi vangu navanonditambudza. Ndinyevenutsireiwo mwoyo ini muranda wenyu mundinunurewo nemwoyochena wenyu. Musaite kuti ndinyadziswe, TENZI nokuti ndinochema kwamuri. Vakaipa ngavave ivo vanonyadziswa ngavadzike kunzvimbo yavakafa chinyarire. Miromo inoreva nhema ngainyaradzwe, inotaura zvakaipa kuvarurami ichizvikudza nokuzvitutumadza nokuzvidza. Hakusi kuwanda ikoko kwezvakanaka zvamakaunganidzira vanokutyai, zvamunoitira vanopotera mamuri vanhu vachiona. Nokuvapo kwenyu munovahwandisa kune zvinorongwa navanhu, munovavanza mudumba renyu kunhamo dzavana vana pamuromo TENZI ngaarumbidzwe nokuti akandiratidza zvinoshamisa mwoyochena wake pandaive ndakakombwa, seguta riri kurwiswa. Pandaive ndadumbirwa ndakati ndadzingirwa kure nemi asi imi makanzwa munamato wangu pandakachemera rubatsiro kwamuri. Idai TENZI imi vatsvene vake. TENZI anochengeta vakatendeka vake; asi anoranga zvakanyanya munhu wose anozvikudza. Simbai mutsunge mwoyo imi mose munotarisira muna TENZI.
Mapisarema 31:9-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinzwirei tsitsi Jehova, nokuti ndiri panjodzi; Ziso raŋgu rapera nokucema, ɀirokwaɀo, nomŋeya waŋgu nomuʋiri waŋgu ʋo. Nokuti ʋupenyu bgaŋgu bgapera nokucema, namakore aŋgu nokugomera; Simba raŋgu rapera nokuɗa kwokutadza kwaŋgu, ʋuye mafupa aŋgu asakara. Ndaʋa cinhu cinoɀidzwa nemhaka yaʋadziʋisi ʋaŋgu ʋose, Ɀirokwaɀo, ɀikuru kunaʋandinogara naʋo, necinotyisa kuʋazikani ʋaŋgu; Ʋakandiʋona kunze ʋakanditiza. Ndakaŋganikwa sowakafa usati acafuŋgwa; Ndaʋa somudziyo wakaputsika. Ndakanzwa ʋazhinji ʋacindipomera, Ɀinotyisa kumatiʋi ose; Pakuraŋgana kwaʋo pamsoro paŋgu Ʋakafuŋga mano kuti ʋanditorere ʋupenyu bgaŋgu. Asi ndakaʋimba nemi Jehova; Ndakati: Ndimi Mŋari waŋgu. Ŋguʋa dzaŋgu dziri muruʋoko rwenyu; Ndirwirei paruʋoko rwaʋaʋeŋgi ʋaŋgu, nokunaʋanonditambudza. Venekesai ciso cenyu pamsoro pomuranda wenyu; Ndiponesei noʋunyoro bgenyu. Ŋgandirege kunyadziswa, Jehova; nokuti ndakaɗana kwamuri; Ʋakaipa ŋgaʋanyadziswe, ŋgaʋanyarare paSheori. Miromo inoreʋa nhema ŋgainyarare; Iyo inotaura namanyawi kunaʋakarurama, Iciɀikudza nokuʋaɀidza. Haiwa, ɀakanaka ɀenyu ɀamakaceŋgetera ʋanokutyai ɀakakura sei, Ɀamakaitira ʋanoʋimba nemi, pamberi paʋanakomana ʋaʋanhu! Mucaʋaʋanza pakaʋanda pamberi penyu, ʋabve pamano aʋanhu; Mucaʋaceŋgeta pakaʋanda patente ʋabve panharo dzendimi. Jehova ŋgaaʋoŋgwe: Nokuti wakandiratidza ʋunyoro bgake ʋunoshamisa paguta rakasimba. Kana ndiri’ni, ndakati pakukaruka kwaŋgu: Ndabviswa pamberi penyu; Kunyaŋge ɀakaɗaro, makanzwa inzwi rokukumbira kwaŋgu pakucema kwaŋgu kwamuri. Iɗai Jehova, imi ʋatȿene ʋake mose; Jehova unoceŋgeta ʋakatendeka, Unotsiʋa ɀikuru munhu unoɀikudza. Iʋai nesimba, ʋuye mŋoyo yenyu itsuŋge, Imi mose munorindira Jehova.
Mapisarema 31:9-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)