Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko? Munomirireiko kure pakundibatsira, napamashoko okugomba kwangu? Mwari wangu, ndinodana masikati, asi hamupinduri; Nousiku, asi handiwani zororo. Asi imi muri mutsvene, Imi mugere parumbidzo dzaIsiraeri. Madzibaba edu akavimba nemi; Vakavimba, imi mukavarwira. Vakachema kwamuri, vakarwirwa; Vakavimba nemi, vakasanyadziswa. Asi ini ndiri honye, handizi munhu; Ndiri chinhu chinozvidzwa navanhu, chinoshorwa navanhu vose. Vose, vanondiona vanondiseka; Vanoshamisa muromo, vanodzungudza misoro, vachiti, “Chizviisai kuna Jehovha; iye ngaamurwire; Ngamurwire, zvaanomufarira iye.” Asi ndimi makandibudisa pachizvaro; Makandivimbisa nemi ndichiri pamazamu amai vangu. Ndakaiswa kwamuri kubva pachizvaro; Imi muri Mwari wangu kubva padumbu ramai vangu. Regai kuva kure neni; nokuti njodzi iri pedyo; Nokuti hapana angabatsira. Hondo zhinji dzakandikomba; Hondo dzine simba dzaBhashani dzakandipoteredza. Dzinondishamisira miromo yadzo, Seshumba inoparadza ichiomba. Ndakadururwa semvura, Mapfupa angu ose akasvodogoka; Mwoyo wangu wakafanana nenamo; Wakanyauka mukati mohura hwangu. Simba rangu rakaoma sechaenga; Rurimi rwangu rwakanamatira pashana dzangu; Makandiisa paguruva rorufu. Nokuti imbwa dzakandikomberedza; Ungano yavanoita zvakaipa yakandipoteredza; Vakaboora maoko angu namakumbo angu; Ndingaverenga mapfupa angu ose; Vanonditarira nokundinanganidza; Vanogovana nguo dzangu pakati pavo, Vanokanda mijenya pamusoro pehanzu yangu.
Verenga chikamu Mapisarema 22
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 22:1-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo